II Timotio 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kurashika kwamazuʋa okupedzisira.

1Ɀino uziʋe cinhu ici, kuti namazuʋa okupedzisira ŋguʋa dzokutambudzika dzicaȿika.

2Nokuti ʋanhu ʋacaʋa ʋanoɀiɗa, ʋanoɗa mari, ʋanoɀirumbidza, ʋanoɀikudza, ʋanotuka, ʋasiŋgatereri ʋaɓereki, ʋasiŋgaʋoŋgi, ʋasati ʋari ʋatȿene,

3ʋasinoruɗo cairwo, ʋasiŋgaɗi kuyanana, ʋanocera ʋamŋe, ʋasiŋgaɀidzori, ʋanehasha, ʋasiŋgaɗi ɀinhu ɀakanaka,

4ʋanonyeŋgera, ʋasiŋgaraŋgariri, ʋanoita manyawi, ʋanoɗa ɀinofadza ɀenyika kupfuʋura Mŋari;

5ʋanomufananidzo ɓedzi wokunamata Mŋari, asi ʋakarasha simba rako; ufuratire ʋanhu iʋaʋa ʋo.

6Nokuti pakati paʋo ʋari’po ʋanopinda mudzimba ʋaciʋereʋedza, ʋacitapa ɀikadzi ɀakaremedzwa neɀiʋi, ɀinokwebga nokuciʋa kuzhinji,

7ɀinoŋgogara ɀicidzidza, asi haɀitoŋgogoni kuȿika pakuziʋa ɀokwaɗi.

8Jane naJambre seɀaʋakadziʋisa Mosesi, saiɀoɀo iʋo ʋanodziʋisa ɀokwaɗi, ʋari ʋanhu ʋanendaŋgariro dzakaʋodzwa, ʋakarashika pakutenda.

9Asi haʋacapfuʋuriri mberi, nokuti ʋupenzi bgaʋo bgucaʋonekwa naʋose, seɀakazoita bgaʋo.

10Asi iwe wakateʋera kudzidzisa kwaŋgu, nomufambire, nokufuŋga, nokutenda, nomŋoyo murefu, noruɗo, nokutsuŋgirira,

11namaɗambudziko, nenhamo, iɀo ɀakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; maɗambudziko makuru sei andakanzwa; paɀinhu iɀoɀo ɀose Ishe wakandisunuŋgura.

12Ɀino, naʋose ʋanoɗa kunamata Mŋari munaKristu Jesu ʋacatambudzwa.

13Asi ʋanhu ʋakaipa naʋanyeŋgeri ʋacanyanyisa pakuipa, ʋacitsausa ʋamŋe nokutsauswa iʋo.

14Asi iwe, rambira paneɀawakadzidza neɀawakatendiswa, uziʋe kuti wakaɀidzidza kunani,

15kuti kubvira paʋucece bgako wakaziʋa Manyoro Matȿene anogona kukupa ʋucenjeri bgunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu.

16Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMŋari, runoɓatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuraŋga kuri mukururama,

17kuti munhu waMŋari akwane, agadzirirwa kwaɀo maɓasa ose akanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help