ƲaRoma 5 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mikomborero inobʋa pakururamiswa.

1Naiɀoɀo ɀatinoruramiswa nokutenda ŋgatiʋe norugare kunaMŋari naShe weɗu, Jesu Kristu;

2watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ŋgatifare netariro yokuʋona kubginya kwaMŋari.

3Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi ŋgatifare ʋo mumaɗambudziko, ticiziʋa kuti kutambudzika kunoʋuyisa kutsuŋgirira;

4kutsuŋgirira kunoʋuyisa kuidzwa; kuidzwa kunoʋuyisa tariro;

5tariro hainyadzisi; nokuti ruɗo rwaMŋari rwakaɗirwa mumŋoyo yeɗu noMŋeya Mutȿene watakapiwa.

6Nokuti ticiri pakushaiwa simba, Kristu paŋguʋa yakafanira wakafira ʋasiŋgaɗi Mŋari.

7Nokuti ɀinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti ɀimŋe mumŋe uŋgatsuŋga kufira wakanaka.

8Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi.

9Ɀino, ɀatakaruramiswa muropa rake, ticaponeswa ɀikuru sei naye pakutsamŋa.

10Nokuti ɀatakayananiswa naMŋari nokufa kwoMŋanakomana wake, ticiri ʋaʋeŋgi ʋake, ɀikuru ticaponeswa kana tayananiswa noʋupenyu bgake;

11ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi tinofara ɀikuru ʋo munaMŋari naShe weɗu Jesu Kristu, watakapiwa ɀino naye iko kuyananiswa.

Adama naKristu ʋanofananidzwa.

12Saka, ɀiʋi seɀaɀakapinda munyika nomunhu mumŋe, norufu rukapinda neɀiʋi; saiɀoɀo rufu rwakaȿika kuʋanhu ʋose, nokuti ʋose ʋakatadza;

13nokuti murairo usati waʋa’po, ɀiʋi ɀakaŋga ɀiri panyika; asi ɀiʋi haɀiʋereŋgerwi munhu, kana kusinomurairo.

14Asi rufu rwakaɓata ʋushe kubva kunaAdama kuȿikira kunaMosesi, kunyaŋge napakati ʋo paʋasina‐kutadza nokuɗarika kwaAdama, waiʋa mufananidzo wowakaŋga acizoʋuya.

15Asi cipo cokuŋgopiwa hacifanani nokuɗarika. Nokuti kana ʋazhinji ʋakafa nokuɗarika kwomumŋe, ɀikuru nyasha dzaMŋari necipo cakaʋuya nenyasha dzomunhu mumŋe, Jesu Kristu, ɀakawandira ʋazhinji.

16Ʋuye cipo hacifanani neɀiʋi ɀomunhu mumŋe wakatadza; nokuti kutoŋga kwakaʋuya nomunhu mumŋe kuti ʋapiwe mhoȿa; asi cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya nokuɗarika kuzhinji, kuti ʋaruramisirwe.

17Nokuti kana nokuɗarika kwomumŋe rufu rwakaɓata ʋushe nomunhu uyu mumŋe; ɀikuru aʋo, ʋakapiwa kuwanda kwenyasha nokwecipo cokururama, ʋacaɓata ʋushe paʋupenyu nomumŋe, iye Jesu Kristu.

18Naiɀoɀo, kutoŋga seɀakwakaʋuya kuʋanhu ʋose nokuɗarika kumŋe, kuti ʋapiwe mhoȿa; saiɀoɀo nokururamisa kumŋe cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya kuʋanhu ʋose, kururamisirwa kwoʋupenyu kukaʋa’po.

19Nokuti ʋazhinji sezaʋakaitwa ʋatadzi nokusaterera kwomumŋe, saiɀoɀo ʋazhinji ʋacaitwa ʋakarurama nokuterera kwomumŋe.

20Murairo wakapinda ʋo kuti kuɗarika kuwande; ɀino ɀiʋi paɀakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuʋurisa;

21kuti ɀiʋi seɀaɀakaɓata ʋushe parufu, saiɀoɀo nyasha dziɓate ʋushe nokururama, ɀiise kuʋupenyu bgusiŋgaperi naJesu Kristu Ishe weɗu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help