II Madzimambo 16 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ahazi mambo waJuda.

1Negore regumi namanomŋe raPeka mŋanakomana waRemaria, Ahazi mŋanakomana waJotami mambo waJuda wakataŋga kuɓata ʋushe.

2Ahazi akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi maʋiri; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu. Asi haana‐kuita ɀakarurama pamberi paJehova Mŋari wake, saɓaɓa ʋake Davidi.

3Nokuti wakafamba nenzira yamadziɓaɓa aIsraeri, akapinza ʋo mŋanakomana wake mumŋoto netsika dzeɀinonyaŋgadza ɀaʋahedeni, ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.

4Akaɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira, napaɀikomo, napasi pemiti yose mitema.

5Ipapo Rezini mambo weSiria, naPeka mŋanakomana waRemaria, mambo waIsraeri, ʋakaȿika Jerusarema kuzorwa naye; ʋakakomba Ahazi, asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumukunda.

6Neŋguʋa iyo Rezini mambo weSiria akadzosera ɀe Siria Erati, akadziŋga ʋaJuda paErati; ʋakaenda Erati, ʋakagara’po kuȿikira nhasi.

7Ɀino Ahazi akatuma nhume kunaTigrati‐pireseri mambo weAsiria, akati: Ndiri muranda wenyu nomŋanakomana wenyu; ʋuyai mundirwire muruʋoko rwamambo weSiria, nomuruʋoko rwamambo waIsraeri, ʋanondimukira.

8Ipapo Ahazi akatora sirveri nendarama ɀakawanikwa mumba maJehova, napafuma yeimba yamambo, akaɀituma kunamambo weAsiria, ciʋe cipo.

9Mambo weAsiria akamunzwa, mambo weAsiria akandorwa neDamasko, akarikunda, akatapa ʋanhu, akaʋaisa Kiri, akaʋuraya Rezini.

10Ɀino mambo Ahazi akaenda Damasko kundosoŋgana naTigrati‐pireseri mambo weAsiria, akaʋona artari yakaŋga iri paDamasko; mambo Ahazi akatuma mufananidzo weartari kunaUria muprista, nomuʋakirwe wayo, nomuitirwe wayo wose.

11Muprista Uria akaʋaka artari yakafanana neɀose ɀakaŋga ɀatumŋa namambo Ahazi aciri Damasko, muprista Uria akaiita saiɀoɀo mambo Ahazi acigere kudzoka Damasko.

12Ɀino mambo wakati adzoka Damasko, mambo akaʋona artari, mambo akasweɗera paartari, kuzoɓayira pamsoro payo.

13Akapisira pamsoro peartari cipiriso cake cinopiswa, necipiriso cake coʋupfu, akaɗururira’po cipiriso cake cinoɗururwa, akasasira’po ropa reɀipiriso ɀake ɀokuyananisa.

14Ʋuye artari yendarira, yaiʋa pamberi paJehova, wakaibvisa pamukoʋa weimba, pakati peartari yake neimba yaJehova, akaiisa kurutiʋi rwokumsoro rweartari yake.

15Ɀino mambo Ahazi akaraira muprista Uria, akati: Cipisira cipiriso camaŋgwanani paartari huru, necipiriso coʋupfu camaɗekwana, necipiriso camambo cinopiswa, necipiriso cake coʋupfu, necipiriso caʋanhu ʋose ʋenyika, necipiriso caʋo coʋupfu, neɀipiriso ɀaʋo ɀinoɗururwa; ʋuye usasire pamsoro payo ropa rose recipiriso cinopiswa, neropa rose reɀiɓayiro; asi artari yendarira ndiyo yandicabvunza Mŋari nayo.

16Naiɀoɀo muprista Uria akaita ɀose ɀaakaŋga arairwa namambo Ahazi.

17Mambo Ahazi akagura ʋukomba bgeɀiŋgoro, akabvisa mudziyo wokushamba pamsoro paɀo, akabvisa ʋo dziʋa pamsoro penzombe dzendarira dzakaŋga dziri pasi paro, akariisa pacigadziko camabge.

18Nenzira, yaiʋa neɗeŋga, yakaitirwa saɓata, yaʋakaŋga ʋaʋaka mumba, nomukoʋa wamambo necokunze, wakaɀishandura mukati meimba yaJehova, nokuɗa kwamambo weAsiria.

19Ɀino mamŋe maɓasa aAhazi aakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadziɓaɓa aJuda?

20Ahazi akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi, Hezekia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help