1Ʋakaropafadzwa ʋose ʋanotya Jehova,
Ʋanofamba munzira dzake.
2Nokuti iwe ucadya ɀawakaɓatira namaʋoko ako;
Ucaʋa nomufaro, ʋuye ɀicaʋa ɀakanaka newe.
3Mukadzi wako ucaʋa somuzambiriŋga, unoɓereka ɀakanaka, mukati meimba yako;
Ʋana ʋako ʋacaʋa semiti yemiorivi, ʋakakomberedza tafura yako.
4Tarirai, murume unotya Jehova
Ucaropafadzwa saiɀoɀo.
5Jehova ucakuropafadza ari paZioni;
Ucaʋona kukomborerwa kweJerusarema mazuʋa ose oʋupenyu bgako.
6Ɀirokwaɀo, ucaʋona ʋana ʋaʋana ʋako.
Israeri ŋgaaʋe norugare.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.