1Ipapo Jobo wakapindura, akati:
2Iwe wakaɓatsira sei usinesimba!
Wakaponesa sei ruʋoko rusinesimba!
3Wakapa mano sei usina‐kuŋgwara,
Nokuɗudzira kwaɀo ziʋo yaɀokwaɗi!
4Wakataurira aniko mashoko awa?
Mŋeya wakaɓuɗa kwauri ndowaniko?
5Ʋakafa ʋanoɗeɗera
Pasi pemvura naʋagere mukati mayo.
6Sheori rakashama pamberi pake,
Kuparadza hakunecifukidzo.
7Unotatamura rutiʋi rwokumsoro pasineciro,
Unoturikira nyika pasinecinhu.
8Unosuŋgira mvura mumakore ake makobvu;
Asi gore haribvaruki nokurema kwayo.
9Unofukidza cigaro cake coʋushe, cirege kuʋonekwa,
Unowarira gore rake pamsoro paco.
10Wakatara muganho pamsoro pemvura,
Kuȿikira pakuparadzana kweciedza nerima.
11Mbiru dzeɗeŋga dzinoɗeɗera,
Nokuvunduka nokutuka kwake.
12Unomutsa guŋgwa nesimba rake,
Nenjere dzake unoparadza Rahabi.
13Ƌeŋga rinoshoŋgedzwa nomŋeya wake;
Ruʋoko rwake rwakaɓaya nyoka inokurumidza.
14Tarira, iɀi ndiwo mudziʋo woga wenzira dzake;
Haiwa, tinoŋgonzwa zeʋe‐zeʋe roga renzwi rake!
Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko uŋgakunzwisisa?
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.