1Ndinoʋimba naJehova;
Munoreʋa seiko kumŋeya waŋgu, muciti:
Tizira kugomo rako seshiri?
2Nokuti, tarira, ʋakaipa ʋanowembura ʋuta,
Ʋanogadzira museʋe waʋo parukuŋgiso,
Kuti ʋafure unomŋoyo wakarurama parima.
3Kana nheyo dzakaparadzwa,
Wakarurama uŋgaiteiko?
4Jehova uri mutembere yake tȿene,
Iye Jehova, cigaro cake coʋushe ciri kuɗeŋga;
Meso ake anotarira, mafuŋgiro ameso ake anoidza ʋana ʋaʋanhu.
5Jehova unoidza ʋakarurama;
Asi mŋeya wake unoʋeŋga wakaipa nounomanikidza.
6Ucanisira misuŋgo pamsoro paʋakaipa;
Mŋoto nesurferi nemhepo inopisa, ndiwo ucaʋa mukombe waʋo waʋakagoʋerwa.
7Nokuti Jehova wakarurama; unoɗa ɀakarurama;
Wakarurama ucaʋona ciso cake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.