II Madzimambo 19 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Ɀino mambo Hezekia wakati aciɀinzwa, akabvarura ŋguʋo dzake, akafuka magumbu, akapinda mumba maJehova.

2Akatuma Eriakimi waitarira imba, naShebna munyori, naʋakuru ʋaʋaprista, ʋakafuka magumbu, kunomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi.

3Ʋakati kwaari: Ɀanzi naHezekia: Nhasi izuʋa rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuɀidzwa; nokuti ʋana ʋakaȿika pakuɀarwa, asi hakunesimba rokuɀara naro.

4Ɀimŋe Jehova Mŋari wenyu ucanzwa mashoko ose omukuru waʋatariri, wakatumŋa namambo weAsiria tenzi wake, kuɀidza Mŋari mupenyu, agoʋatuka pamsoro pamashoko akanzwa Jehova Mŋari wenyu; naiɀoɀo nyeŋgetererai ʋakasara.

5Ipapo ʋaranda ʋamambo Hezekia ʋakaȿika kunaIsaya.

6Isaya akati kwaʋari: Ʋudzai tenzi wenyu, muti: Ɀanzi naJehova: Usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo naʋaranda ʋamambo weAsiria.

7Tarira, ndicaisa mŋeya wokutya mukati make, ucanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndicamuʋurayisa nomunondo munyika yake.

8Naiɀoɀo mukuru waʋatariri wakadzoka, akawana mambo weAsiria acirwa neRibna, nokuti wakaŋga anzwa kuti wabva paRakishi.

9Ɀino wakati acinzwa pamsoro paTirhaka mambo weEtiopia, ɀicinzi: Tarirai, woʋuya kuzorwa nemi, akatuma ɀe nhume kunaHezekia, aciti:

10Endai mundoʋudza Hezekia mambo waJuda, muti: Mŋari wako, waunoʋimba naye, ŋgaarege kukunyeŋgera, aciti: Jerusarema hariŋgaiswi muruʋoko rwamambo weAsiria.

11Tarira, wakanzwa ɀakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti ʋakadziparadza cose; ɀino iwe ucarwirwa here?

12Ko ʋamŋari ʋedzimŋe ndudzi ʋakadzirwira here, idzo dzakaparadzwa namadziɓaɓa aŋgu, ʋanaGozani, naHarani, naRezefi, naʋana ʋaEdeni, ʋaiʋa paTerasari?

13Mambo weHamati uripiko, namambo weArpadi, namambo weguta reSefarvaimi, neHena, neIva?

14Hezekia akagamucira ŋwadi pamaʋoko enhume, akairaʋa; Hezekia akakwira kumba kwaJehova, akaipetenura pamberi paJehova.

15Ipapo Hezekia akanyeŋgetera pamberi paJehova, akati: Haiwa! Jehova Mŋari waIsraeri, iye ugere pamsoro pamakerubi! Ndimi Mŋari, imi moga, woʋushe bgose bgenyika, ndimi makaita kuɗeŋga napasi.

16Rerekerai nzeʋe yenyu, Jehova, munzwe; ȿinudzai meso enyu, Jehova, muʋone; inzwai mashoko aSanheribi, aakatuma kuzoɀidza Mŋari mupenyu.

17Ɀirokwaɀo, Jehova, madzimambo eAsiria akaparadza ndudzi nenyika dzadzo,

18akakandira ʋamŋari ʋadzo mumŋoto; nokuti ʋakaŋga ʋasi ʋamŋari, asi rakaŋga riri ɓasa ramaʋoko aʋanhu, ari matanda namabge; naiɀoɀo ʋakaʋaparadza.

19Ɀino, Jehova Mŋari weɗu, citiponesai henyu paruʋoko rwake, kuti ʋushe bgose bgenyika ʋuziʋe kuti ndimi Jehova Mŋari, imi moga.

20Ipapo Isaya mŋanakomana waAmozi, wakatuma shoko kunaHezekia, akati: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ɀawanyeŋgetera kwandiri pamsoro paSanheribi mambo weAsiria, ndakunzwa.

21Heri shoko rakataurwa naJehova pamsoro pake: Mhandara, mukunda weZioni, wakakushoʋora nokukuseka; mukunda weJerusarema wakakudzuŋgudzira musoro wake.

22Ndianiko wawakatuka nokumhura? Wakaɀikudza kunaniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kuɗeŋga? NdiMutȿene waIsraeri!

23Wakatuka Jehova nenhume dzako, ukati: Ndakwira kumakomo marefu neŋgoro dzaŋgu zhinji, kunɀimbo dzomukati dzeRebanoni; ndicatema misidari mirefu iri’po, nemisipresi yakatsaurwa iri’po, ndicapinda kuȿikira paimba yake yomukati, kuɗondo rake rinoɓereka ɀakanaka.

24Ndakateka ndikanwa mvura yedzimŋe nyika, ndicapxisa nzizi dzose dzeEgipita nokutsika kwetsoka dzaŋgu.

25Hauna‐kunzwa here kuti ndakaɀiita kare, kuti ndakaɀiraira neŋguʋa dzokutaŋga‐taŋga? Ɀino ndaraira ɀiitike, kuti iwe uʋe muparadzi wamaguta akakombga namaȿiŋgo, aʋe matoŋgo.

26Naiɀoɀo ʋagere’mo ʋakaŋga ʋanesimba ɗuku, ʋakavunduswa nokunyadzwa; ʋakafanana noʋuswa bgesaŋgo, nomuriʋo mutema, noʋuswa bguri pamsoro peimba, neɀiyo ɀakatȿa ɀicigere kukura.

27Asi ndinoziʋa kugara kwako pasi, nokuɓuɗa kwako, nokupinda kwako, ʋuye hasha dzako kwandiri.

28Nokuɗa kwehasha dzako kwandiri, ʋuye nokuti ndakanzwa kuɀikudza kwako, ndicaisa rwauro rwaŋgu mumhino dzako, netomu raŋgu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakaʋuya nayo.

29Ici ndico cicaʋa ciratidzo kwauri: Nhaka mucadya ɀinoŋgomera ɀoga, negore recipiri mucadya ɀinomera ɀe kwaɀiri; asi negore recitatu munofanira kudɀara, nokuceka, nokusima minda yemizambiriŋga, mudye micero yayo.

30Ɀino ʋakasara, ʋakapukunyuka ʋeimba yaJuda, ʋacaita ɀe midzi pasi, nokuɓereka micero kumsoro.

31Nokuti ʋakasara ʋacaɓuɗa paJerusarema, naʋakapukunyuka pagomo reZioni; kushiŋgaira kwaJehova kucaɀiita.

32Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro pamambo weAsiria: Haaŋgapindi muguta rino, kana kuposhera museʋe imomo, kana kuȿika pamberi paro nenhoʋo, kana kututira gomo revu pariri.

33Ɀanzi naJehova: Nenzira yaakaʋuya nayo, ucadzoka ɀe nayo; haaŋgapindi muguta rino.

34Nokuti ndicadzitira guta rino, ndirirwire nokuɗa kwaŋgu, ʋuye nokuɗa kwomuranda waŋgu Davidi.

35Ɀino noʋusiku ubgo mutumŋa waJehova wakaɓuɗa, akaʋuraya ʋanhu ʋaneɀuru ɀinezana namakumi masere neɀishanu pamisasa yaʋaAsiria; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakawana ɀaʋa ɀitunha ɀose.

36Naiɀoɀo Sanheribi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Nineve.

37Ɀino wakati acinamata mumba maNisroki mŋari wake, Adramereki naSharezeri ʋakamuʋuraya nomunondo, iʋo ʋakatizira kunyika yeArarati. Esari‐hadoni akamuteʋera paʋushe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help