1Ɀino Mosesi wakabva pamapani okwaMoabi, akakwira kugomo reNebo, pamsoro pePisga, pakatarisana neJeriko. Jehova akamuratidza nyika yose yeGireadi, kuȿikira Dani;
2neNaftari yose, nenyika yaEfraimi naManase, nenyika yose yaJuda, kuȿikira paguŋgwa rokumaʋirazuʋa;
3nenyika yezasi, neƂani romupata weJeriko, guta remicindwe, kuȿikira Zoari.
4Ɀino Jehova akati kwaari: Ndiyo nyika yandakapikira Abrahama, naIsaka, naJakobo, ndiciti: Ndicaipa ʋana ʋako; ndikakuʋonesa iyo nameso ako, asi hauŋgapindi’mo.
5Ipapo Mosesi muranda waJehova akafira’po panyika yaMoabi, seɀakataurwa naJehova.
6Akamuʋiga pamupata panyika yaMoabi, pakatarisana neBeti‐peori; asi hapanomunhu unoziʋa rinda rake kuȿikira nhasi.
7Ɀino Mosesi wakaŋga anamakore anezana namakumi maʋiri pakufa kwake; meso ake akaŋga acigere kuʋonera madzerere, nesimba rake rakaŋga ricigere kuɗerera.
8Ʋana ʋaIsraeri ʋakacema Mosesi pamapani okwaMoabi mazuʋa anamakumi matatu; naiɀoɀo mazuʋa aʋakacema pakucema Mosesi akapera.
9Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, wakaŋga azere nomŋeya wokucenjera; nokuti Mosesi wakaŋga aisa maʋoko ake pamsoro pake; ʋana ʋaIsraeri ʋakamuterera, ʋakaita seɀakarairwa Mosesi naJehova.
10Hakuna‐kuzomuka ɀe muprofita pakati paIsraeri wakafanana naMosesi, wakaŋga acizikanwa naJehova, ɀiso ɀakatarisana;
11paɀiratidzo ɀose neɀishamiso, paakatumŋa naJehova kundoɀiita panyika yeEgipita, kunaFarao, nokuʋaranda ʋake ʋose, nokunyika yake yose;
12napaɀose ɀakaitwa noruʋoko rwake runesimba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMosesi ʋaIsraeri ʋose ʋaciɀiʋona.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.