Mapisarema 141 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unonyeŋgetera kuti aceŋgetwe pakuidzwa.Pisarema raDavidi.

1Jehova, ndakaɗana kwamuri; kurumidzai kuʋuya kwandiri;

Tererai inzwi raŋgu kana ndiciɗana kwamuri.

2Munyeŋgetero waŋgu ŋgauʋe pamberi penyu seɀinonhuwira;

Nokusimudzwa kwamaʋoko aŋgu secipiriso camaɗekwana.

3Jehova, isai murindi pamberi pomuromo waŋgu;

Ceŋgetai mukoʋa wemiromo yaŋgu.

4Regai kurerekesa mŋoyo waŋgu kucinhu cakaipa,

Kuti ndiite ɀakaipa

Pamŋe cete naʋanhu ʋanoita ɀisina‐kururama.

5Wakarurama ŋgaandiroʋe netsitsi;

Ŋgaandituke, aʋe mafuta pamusoro waŋgu;

Musoro waŋgu hauŋgaarambi;

Nokuti ndicaramba ndicinyeŋgetera pamsoro pokuipa kwaʋo.

6Ʋatoŋgi ʋaʋo ʋakawisirwa kumawere eɗombo;

Ʋacanzwa kuti mashoko aŋgu akanaka.

7Seɀakaita pasi kana parimŋa nokuparurwa,

Saiɀoɀo mafupa eɗu akaparadzirwa pamuromo weSheori.

8Nokuti meso aŋgu anotarira kwamuri, Jehova Ishe;

Ndinoʋimba nemi; regai kuɗurura ʋupenyu bgaŋgu.

9Ndiceŋgetei pamusuŋgo waʋakanditeyera,

Naparugombe rwaʋanoita ɀisina‐kururama.

10Ʋakaipa ŋgaʋaɓatwe nemimbure yaʋo ʋamene,

Asi ini ndiɗarike haŋgu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help