Ezekieri 27 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:

2Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, ita mariro pamsoro peTire;

3uti kuTire: Nhai iwe ugere paʋanopinda paguŋgwa, iwe unoshambadzirana namarudzi aʋanhu paɀiwi ɀizhinji, ɀanzi naShe Jehova: Iwe Tire, wakati: Ndakakwana pakunaka.

4Nyika yako iri mumŋoyo wamakuŋgwa; ʋaʋaki ʋako ʋakakwanisa kunaka kwako.

5Ʋakaita mapuraŋga ako ose nemisipresi inobva Seniri; ʋakatora musidari weRebanoni kukuitira ɗanda recikepe.

6Matanda ako okukwaȿa nawo ʋakaaita nemiouki yeBashani; ʋakaita ɀigaro ɀako paɀikepe nenyaŋga dzenzou dzakaʋezerwa mumapuraŋga emipaini yakabva kuɀiwi ɀeKitimi.

7Maseiri ako aiʋa omuceka wakaiȿo‐naka, wakasonerwa ʋukomba, aibva Egipita, kuti uʋe mureza wako; ɗeŋga rako raiʋa romuceka mutema nomutȿuku waibva kuɀiwi ɀeErisha.

8Ʋakaŋga ʋagere Sidoni neArvadi ndiʋo ʋaiʋa ʋakwaȿi ʋako; ʋanhu ʋako ʋakacenjera, iwe Tire, ʋakaŋga ʋari mukati mako, ndiʋo ʋaiʋa ʋafambisi ʋeɀikepe ɀako.

9Ʋakuru ʋeGebari naʋakacenjera ʋaro ʋaiʋa mukati mako ʋacikugadzirira paisinirira mvura; ɀikepe ɀose ɀeguŋgwa ɀaiʋa mukati mako pamŋe cete naʋafambisi ʋaɀo kuti ʋashambadzirane newe.

10Ʋanhu vePersia neRudi nePuti ʋaiʋa muhondo yako, ʋaiʋa ʋarwi ʋako; ʋaiturikira mukati mako nhoʋo dzaʋo neŋgowani dzaʋo; ʋaikuitira mbiri.

11Ʋarume ʋeArvadi ʋaiʋa pamsoro pamaȿiŋgo ako kumatiʋi ose pamŋe cete nehondo yako, nemhare dzaiʋa pamsoro peshoŋgwe dzako; ʋaiturika nhoʋo dzaʋo pamaȿiŋgo ako kumatiʋi ose, ʋaikwanisa kunaka kwako.

12Tarshishi raishambadzirana newe nokuɗa kwefuma zhinji yamarudzi ose, ʋakateŋga nhumbi dzako nesirveri neɗare netini nomutobvu.

13Nyika dzeJavani, Tubari, neMesheki ndiʋo ʋaiteŋgerana newe, ʋaiteŋga nhumbi dzako nemiʋiri yaʋanhu nemidziyo yendarira.

14Ʋeimba yaTogarma ʋakateŋga nhumbi dzako namabiza namabiza ehondo namahesera.

15Ʋarume ʋeDedani ndiʋo ʋaiteŋgerana newe; ɀiwi ɀizhinji ɀaiʋa nɀimbo pawaiteŋgesa noruʋoko rwako; ʋaiʋuya nenyaŋga dzenzou namatanda omushuma kuzotsinhanha newe.

16Nyika yeSiria yaishambadzirana newe nokuɗa kweɀizhinji ɀako ɀakaitwa namaʋoko; ʋakateŋga nhumbi dzako namabge esmaragdino, nomuceka mutema, neɀakarukwa, nomuceka wakaiȿo‐naka, nekorari, namabge anoʋaima.

17Juda nenyika yaIsraeri ndiʋo ʋaiteŋgerana newe; ʋaiteŋga nhumbi dzako neɀiyo ɀeMiniti, neɀinotapira, noʋuci, namafuta, nebarsami.

18Damasko raishambadzirana newe riciteŋga ɀizhinji ɀako ɀakaitwa namaʋoko, nokuɗa kwefuma zhinji yamarudzi ose, newaini yeHerboni nemvere cena.

19Nyika dzeVedani neJavani dzakateŋga nhumbi dzako necinda; ɗare rinobginya, nekasia, nekaramo ndiɀo ɀakaŋga ɀiri pakati penhumbi dzako.

20Dedani raikuteŋgesera miceka inokosha yokutaȿisa mabiza nayo.

21Nyika yeArabia namacinda ose enyika yeKedari ndiʋo ʋaiteŋga pamaʋoko enyu; makwaiana namakondobge nembudzi ndiɀo ɀaʋaiteŋga kwauri.

22Ʋateŋgesi ʋeSheba neRaama ndiʋo ʋaiteŋgerana newe; ʋaishambadzira nhumbi dzako neɀinonhuwira ɀakaiȿo‐naka, namabge ose anokosha, nendarama.

23Harani neCane neEdeni iʋo ʋateŋgesi ʋeSheba neAshuri neKirmadi ndiʋo ʋaiteŋgerana newe.

24Ndiʋo ʋaiteŋgerana newe nenhumbi dzakatsaurwa, neŋguʋo dzemiceka mitema neɀakarukwa, namabokisi eɀokufuka ɀinokosha, akasuŋgwa namaɓote, akaʋezwa nemisidari, pakati penhumbi dzako.

25Ɀikepe ɀeTarshishi ndiɀo ɀaitakura nhumbi dzako, iwe ukazadzwa, ukaitirwa mbiri mumŋoyo yamakuŋgwa.

26Ʋakwaȿi ʋako ʋakakuisa kumvura zhinji; mhepo yokumabvazuʋa yakakuputsa mumŋoyo wamakuŋgwa.

27Fuma yako, nenhumbi dzako, neɀokuteŋgesa ɀako, ʋafambisi ʋeɀikepe ɀako, naʋarairi ʋaɀo, naʋagadziri ʋako panosinirira mvura, naʋashambadziri ʋenhumbi dzako, naʋarwi ʋako ʋose, ʋari mukati mako, naʋanhu ʋako ʋazhinji ʋari mukati mako, ɀose ɀicawira mumŋoyo wamakuŋgwa nezuʋa rokuparadzwa kwako.

28Mafuŋgu acaɗeŋgenyeka nomubvumo wokuɗanidzira kwaʋarairi ʋeɀikepe ɀako.

29Ʋose ʋanoɓata namatanda okukwaȿa, iʋo ʋafambisi naʋarairi ʋose ʋapaguŋgwa, ʋacaɓuruka paɀikepe ɀaʋo; ʋacamira pamhenderekedzo,

30ʋacaɗana namanzwi aʋo pamsoro pako, ʋacacema kwaɀo, ʋacikushira guruʋa pamisoro yaʋo; ʋacaʋumburukira mumaɗota;

31ʋacaɀiʋeʋurira misoro nokuɗa kwako, ʋacaɀisuŋga ɀiʋuno namasaga, ʋacikucema nemŋeya ineshuŋgu kwaɀo nokucema kukuru.

32Pakucema kwaʋo ʋacakuitira mariro, ʋacacema pamsoro pako, ʋaciti: Ndianiko wakatoŋgofanana neTire, wakaita saiye wakaparadzwa mukati meguŋgwa?

33Paŋguʋa yakaenda nhumbi dzako kumakuŋgwa, wakagutisa ʋanhu ʋazhinji; wakafumisa madzimambo enyika nefuma yako zhinji neɀawaiteŋgesa.

34Paŋguʋa yawakaputswa namakuŋgwa mukati memvura zhinji yakadzika, nhumbi dzako naʋanhu ʋako ʋose ɀakawira pasi mukati mako.

35Ʋose ʋagere paɀiwi ʋanoshamiswa pamsoro pako, madzimambo aʋo anotya kwaɀo; ɀiso ɀaʋo ɀinoɗeɗera.

36Ʋateŋgesi pakati pamarudzi aʋanhu ʋanokuridzira muridzo, waʋa cinhu cinotyisa, hauŋgatoŋgozoʋi’po.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help