Rwiyo Rukuru 4 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Cikomba cinorumbidza mŋeŋga.

1Tarira, wakanaka sei, shamŋari yaŋgu; tarira, wakanaka sei!

Meso ako akafanana neenjiʋa pakutarira kwawo pakati pecifukidzo cako;

Vudzi rako rakafanana neɓoka rembudzi,

Dzinoɓurukira mujiŋga megomo reGireadi.

2Meno ako akafanana neɓoka ramakwai acaŋgoʋeʋurwa,

Anobva pakushambga;

Rimŋe nerimŋe rawo rinaʋana ʋaʋiri,

Hakunerimŋe risinomŋana.

3Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatȿuka;

Kutaura kwako kwakanaka;

Ɀaʋoʋo ɀako ɀakafanana neɓande reɗamba

Pakutarira kwako pakati pecifukidzo cako.

4Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDavidi

Yakaʋakirwa nhumbi dzokurwa,

Makaturikwa nhoʋo dzinecuru cezana,

Dzose dziri nhoʋo dzemhare.

5Mazamu ako maʋiri akafanana naʋana ʋemharapara,

Ʋari ʋana ʋakaɓerekwa ʋari ʋaʋiri,

Ʋanocera pakati pamaruʋa eɓundo.

6Kana zuʋa rotonhorera, mimvuri yotiza,

Ndicaenda kugomo remura,

Nokucikomo ceɀinonhuwira.

7Wakaiȿo‐naka, iwe shamŋari yaŋgu;

Hakunegwapa kwauri.

8Hendei tose, iwe mŋeŋga waŋgu,

tibve paRebanoni,

Tibve paRebanoni tose;

Tarira uri pamusoro weAmana,

Pamisoro yeSeniri neHermoni,

Panɀimba dzeshumba,

Pamakomo eŋgwe.

9Wanditorera mŋoyo waŋgu, hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu;

Wanditorera mŋoyo waŋgu nokunditarira kamŋe nameso ako,

Necishoŋgo cimŋe comutsipa wako.

10Ruɗo rwako rwakanaka sei, hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu!

Ruɗo rwako runopfuʋura waini ɀikuru sei!

Nokunhuwira kweɀizoro ɀako miti yose inonhuwira!

11Miromo yako, mŋeŋga waŋgu,

inoɗonha muȿi woʋuci;

Ʋuci nomukaka ɀiri pasi porurimi rwako;

Kunhuwira kweŋguʋo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebanoni.

12Hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu,

munda wakakomberedzwa,

Cituɓu cakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.

13Mataʋi ako munda wamatamba,

uneɀiɓereko ɀakaiȿo‐naka;

Maruʋa ehena nenardo,

14Nardo nesafroni,

Karmusi nekinamuni, nemiti yose inonhuwira;

Mura negaʋakaʋa, neɀose ɀinoiȿonhuwira.

15 Uri tsime reminda,

Cituɓu cemvura mhenyu,

Nenzizi dzinoyerera dzicibva Rebanoni.

Kupindura kwomŋeŋga.

16Muka, iwe mhepo yokumsoro;

ʋuya, iwe mhepo yezasi;

Furidzira pamunda waŋgu, kuti ɀinonhuwira ɀawo ɀiɓuɗire kunze.

Muɗiwa waŋgu ŋgaapinde mumunda make,

Ŋgaadye ɀiɓereko ɀake ɀakaiȿo‐naka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help