Rwiyo Rukuru 7 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Tsoka dzako dzakanaka seiko mushaŋgu, iwe mukunda womucinda!

Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita seɀishoŋgo,

Ƃasa ramaʋoko emhizha.

2Guvu rako rakaita somukombe wakatendereka,

Musiŋgashaikwi waini yakaveŋganiswa;

Ciʋuno cako cakaita seɗutu reɀiyo

Rakakomberedzwa namaruʋa.

3Mazamu ako maʋiri akafanana naʋana ʋemharapara,

Ʋana ʋakaɓerekwa ʋari ʋaʋiri.

4Mutsipa wako wakaita seshoŋgwe yorunyaŋga rwenzou;

Meso ako samakuʋi paHeshboni,

Pasuʋo reBat‐rabimi;

Mhino dzako dzakafanana neshoŋgwe yeRebanoni

Yakatarisana neDamasko.

5Musoro wako pamsoro pako wakafanana neKarmeri;

Nevudzi romusoro wako nomuceka mutȿuku;

Mambo wakasuŋgwa nevudzi rakapetana.

6Wakanaka sei, unofadza sei,

Muɗiwa, pakati peɀinofadza.

7Ʋumiro bgako bgakafanana nomucindwe,

Namazamu ako namasumbu eɀiɓereko ɀawo.

8Ndakati: Ndicakwira mumucindwe,

Ndiɓate mataʋi awo;

Mazamu ako ŋgaaʋe samasumbu emizambiriŋga,

Nokunhuwira kwemhino dzako sokunhuwira kwamaapuri,

9Nomuromo wako sewaini yakaiȿo‐naka,

Inotapira muɗikanwa waŋgu pakunwiwa kwayo,

Inoyerera pamiromo yaʋaʋete.

10Ndini womuɗiwa waŋgu;

Kuɗa kwake kunondiʋiŋga.

11Ʋuya muɗiwa waŋgu, ŋgatiɓuɗire kusaŋgo,

Ŋgatigare mumisha.

12Ŋgatifumire kuminda yemizambiriŋga;

Tindoʋona kana muzambiriŋga watuŋga,

Kana maruʋa akura,

Kana matamba atuŋga maruʋa;

Ndipapo pandicakupa ruɗo rwaŋgu.

13Madudayi anoɓuɗisa kunhuwira;

Pamikoʋa yeɗu paneɀinonaka ɀamarudzi ose, ɀitȿa neɀisharu,

Ɀandakakuceŋgetera, iwe muɗiwa waŋgu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help