Jeremia 47 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Cireʋo pamsoro paʋaFiristia.

1Shoko raJehova, rakaȿika kumuprofita Jeremia pamsoro paʋaFiristia, Farao acigere kukunda Gaza.

2Ɀanzi naJehova: Tarirai, mvura zhinji inokwira icibva kurutiʋi rwokumsoro, icaʋa rwizi runopafuma, icafukidza nyika neɀose ɀiri’mo, neguta naʋagere’mo; ʋanhu ʋacacema, naʋose ʋagere munyika ʋacawuŋgudza.

3Kana ʋacinzwa kutinhira kwokutsika kwamahwanda amabiza ake anesimba, nokumhanyisa kweŋgoro dzake, nokuʋirima kwamakumbo eŋgoro dzake, madziɓaɓa haaceukiri kuʋana ʋawo nokuneta kwamaʋoko aʋo;

4nemhaka yezuʋa iro, rinoʋuya kuparadza ʋaFiristia ʋose, nokuparadza paTire neSidoni muɓatsiri mumŋe nomumŋe wakasara; nokuti Jehova ucaparadza ʋaFiristia, iʋo ʋakasara ʋeciwi ceKaftori.

5Gaza raʋa nemhazha, Ashkeroni raparadzwa, iɀo ɀakaŋga ɀasara ɀomupata waʋo; ucaramba uciɀitema kuȿikira riniko?

6Haiwa, iwe munondo waJehova, ucashaiwa zororo kuȿikira riniko? Dzokera mumuhara wako, zorora, unyarare.

7Uŋganyarara seiko, Jehova ɀaakakuraira? Pamsoro peAshkeroni napamsoro pemhenderekedzo yeguŋgwa, ndi’po paakaɀiraira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help