Mapisarema 4 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mufaro norugare ɀiri kunaJehova.Kumutuŋgamiriri wenziyo; nemiteŋgeranwa. Pisarema raDavidi.

1Ndipindurei kana ndiciɗana, Mŋari wokururama kwaŋgu;

Pakumanikidzwa kwaŋgu makandiisa pakafarikana;

Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyeŋgetero waŋgu.

2Nhai ʋanakomana ʋaʋanhu, kukudzwa kwaŋgu kucashandurwa kunyadziswa kuȿikira riniko?

Mucaɗa ɀisinamaturo, nokutȿaka nhema kuȿikira rini?

3Asi ziʋai kuti Jehova wakaɀitsaurira munhu unomuɗa:

Jehova ucanzwa kana ndiciɗana kwaari.

4Ityai, murege kutadza;

Tauriranai nemŋoyo yenyu panhoʋo dzenyu, muti ŋwii.

5Ƃayirai ɀiɓayiro ɀokururama,

Muʋimbe naJehova.

6Ʋazhinji ʋari’ko ʋanoti: Ndianiko ucatiratidza ɀakanaka?

Jehova, simudzirai pamsoro peɗu ciedza ceciso cenyu.

7Makaisa mufaro mumŋoyo maŋgu,

Unopfuʋura waʋanhu kana ɀiyo ɀaʋo newaini yaʋo ɀawanzwa.

8Ndicaʋata pasi norugare, ndiɓatwe nehope;

Nokuti ndimi moga Jehova munondigarisa pakasimba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help