Isaya 35 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mufaro ucaʋa paZioni.

1Renje nenyika yakawoma ɀicafara; saŋgo ricafara kwaɀo, ricatumbuka seruʋa.

2Ricatumbuka ɀizhinji, nokufara kwaɀo nomufaro nokuimba; ricapiwa kunaka kukuru kweRebanoni, noʋukomba bgeKarmeri neSharoni; ʋacaʋona kunaka kukuru kwaJehova, ibgo ʋukomba bgaMŋari weɗu.

3Simbisai maʋoko asinesimba, mutsigire mabvi anoɗeɗera.

4Itiyi kunaʋanemŋoyo inotya: Simbai, musatya! Tarirai, Mŋari wenyu ucaʋuya nokutsiʋa, nokuripira kwaMŋari; ucaʋuya acikuponesai.

5Ipapo meso amapofu acaȿinudzwa, nenzeʋe dzematsi dzicadziʋurwa.

6Ipapo unokamhina ucakwakuka senondo, rurimi rwembeʋeʋe rucaimba; nokuti mvura zhinji icadzutuka murenje, nehoʋa dzemvura musaŋgo.

7Jeca, rinopisa, ricashanduka dziʋa, nevu, rinenyota, ɀituɓu ɀemvura; paʋugaro bgamakaʋa, paaiʋata, pacaʋa noʋuswa, netsaŋga nenhokwe.

8Ipapo pacaʋa nomugwagwa, nenzira, icanzi, Nzira yoʋutȿene; unetȿina haaŋgafambi nayo, asi icaʋa yaʋo; ʋanofamba nayo, kunyaŋge ari mapenzi, haʋaŋgarashiki.

9Hapaŋgaʋi neshumba, kunyaŋge necikara haciŋgafambi’po; haɀiŋgawanikwi’po, asi ʋakadzikinurwa ndiʋo ʋacafamba’po;

10ʋakasunuŋgurwa ʋaJehova ʋacadzoka, ʋacaȿika Zioni ʋaciimba; mufaro usiŋgaperi ucaʋa pamisoro yaʋo; ʋacawana mufaro nomŋoyo mucena, kucema nokusuwa kucatiza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help