1Mŋari unomira paʋuŋgano yaMŋari;
Unotoŋga pakati paʋamŋari.
2Mucatoŋga ɀisina‐kururuma kuȿikira riniko,
Mucisanaŋgura ʋanhu ʋakaipa?
3Toŋgerai mhaka dzaʋarombo nenherera;
Ruramisirai ʋanotambudzika naʋanoshaiwa cose.
4Sunuŋgurai ʋarombo naʋashaiwi
Ʋarwirei paruʋoko rwowakaipa.
5Haʋaziʋi, haʋanzwisisi;
Ʋanofamba‐famba murima;
Nheyo dzose dzapasi dzinozunuŋguka.
6Ndakati: Muri ʋamŋari,
Mose muri ʋanakomana ʋoWokumsoro‐soro.
7Kunyaŋge ɀakaɗaro mucafa saʋanhu,
Mucafa somumŋe wamacinda.
8Simukai Mŋari, mutoŋgere pasi;
Nokuti ndudzi dzose dzicaʋa nhaka yenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.