II Madzimambo 24 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Ɀino pamazuʋa ake Nebukadnezari mambo weBabironi akaȿika, Jehoyakimi akaitwa muranda wake makore matatu; ipapo akamuramba akamumukira.

2Jehova akatuma kwaari hondo dzaʋaKardea, nehondo dzaʋaSiria, nehondo dzaʋaMoabi, nehondo dzaʋana ʋaAmoni, kuzorwa naye; akadzituma kuzoparadza Juda, seɀakarebga neshoko raJehova, raakataura nemiromo yaʋaranda ʋake ʋaprofita.

3Ɀirokwaɀo iɀi ɀakaitirwa Juda nokuraira kwaJehova, kuti aʋabvise pamberi pake, nokuɗa kweɀiʋi ɀaManase ɀose ɀaakaita;

4ʋuye nokuɗa kweropa risinemhoȿa raakateʋura; nokuti wakazadza Jerusarema neropa risinemhoȿa; Jehova akaramba kuʋakaŋganwira.

5Ɀino mamŋe maɓasa aJehoyakimi, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?

6Jehoyakimi akaʋata namadziɓaɓa ake, mŋanakomana wake Jehoyakini akamuteʋera paʋushe.

7Mambo weEgipita haana‐kuzoɓuɗa ɀe munyika yake, nokuti mambo weBabironi wakaŋga akunda ɀose ɀaiʋa ɀamambo weEgipita, kubva parukoʋa rweEgipita kuȿikira parwizi Yufratesi.

8Jehoyakini wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anegumi namasere, akaɓata ʋushe paJerusarema mŋedzi mitatu. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Nehushta mukunda waErnatani weJerusarema.

9Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaita madziɓaɓa ake paɀose.

10Neŋguʋa iyo ʋaranda ʋaNebukadnezari mambo weBabironi, ʋakaȿika Jerusarema, ʋakakomba guta.

11Nebukadnezari mambo weBabironi, akaȿika paguta, ʋaranda ʋake ʋakarikomba.

12Ɀino Jehoyakini mambo waJuda akaɓuɗira kunamambo weBabironi, iye namai ʋake, naʋaranda ʋake, namacinda ake, naʋatariri ʋake; mambo weBabironi akamuɓata negore rorusere rokuɓata kwake ʋushe.

13Akaenda nefuma yose yeimba yaJehova, nefuma yeimba yamambo, akatema‐tema nhumbi dzose dzendarama dzakaŋga dzaitwa naSoromoni mambo waIsraeri mutembere yaJehova, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova.

14Akatapa ʋose ʋeJerusarema, namacinda ose, nemhare dzose, ʋatapxa ʋaneɀuru ɀinegumi, nemhizha dzose, naʋapfuri ʋose; hakuna‐ʋakasara, asi ʋanhu ʋarombo ʋenyika.

15Akatapa ʋo Jehoyakini, akamuisa Babironi; namai ʋamambo, naʋakadzi ʋamambo, naʋatariri ʋake, naʋakuru ʋenyika, akaʋatapa paJerusarema akaʋaisa Babironi.

16Ʋarume ʋose ʋaiʋa nesimba ʋaneɀuru ɀinomŋe, nemhizha, naʋapfuri ʋanegumi ramazana, aʋa ʋose ʋaiʋa nesimba ʋaigona kurwa, mambo weBabironi wakaʋatapa, akaʋaisa Babironi.

17Mambo weBabironi akaita Matania ɓaɓamunini ʋaJehoyakini, mambo panɀimbo yake, akashandura zita rake, akamutumidza Zedekia.

Zedekia mambo wokupedzisira waJuda.

18Zedekia wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi maʋiri nerimŋe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi nerimŋe. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Hamitari mukunda waJeremia weRibna.

19Akaita ɀakaipa pamberi paJehova seɀakaita Jehoyakini paɀose.

20Nokuti iɀoɀo ɀakaitirwa Jerusarema naJuda nokuɗa kwokutsamŋa kwaJehova, kuȿikira aʋarashira kure kwaari; Zedekia akamukira mambo weBabironi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help