1 Davidi akaɀiʋakira dzimba muguta raDavidi; akagadzirira areka yaMŋari nɀimbo, akaidzikira tente.
2Ɀino Davidi akati: Hakunomunhu unofanira kutakura areka yaMŋari asi ʋaRevi; nokuti ndiʋo ʋakatsaurwa naJehova kutakura areka yaMŋari, nokumushumira nokusiŋgaperi.
3Davidi akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose paJerusarema kuti ʋaise areka yaJehova kunɀimbo yayo, yaakaŋga aigadzirira.
4Davidi akaʋuŋganidza ʋanakomana ʋaAroni naʋaRevi;
5pakati paʋanakomana ʋaKohati: Urieri mukuru, nehama dzake dzinezana namakumi maʋiri;
6pakati paʋanakomana ʋaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzinamazana maʋiri namakumi maʋiri;
7pakati paʋanakomana ʋaGershomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzinezana namakumi matatu.
8pakati paʋanakomana ʋaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzinamazana maʋiri;
9pakati paʋanakomana ʋaHebroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzinamakumi masere;
10pakati paʋanakomana ʋaUzieri: Aminadabi mukuru, nehama dzake dzinezana negumi naʋaʋiri.
11Davidi akaɗana Zadoki naAbiyatari ʋaprista, naʋaRevi ʋaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadabi.
12Akati kwaʋari: Ndimi ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi; ciɀinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehova Mŋari waIsraeri, kunɀimbo yandakaigadzirira.
13Nokuti nemhaka yokuti hamunakuitakura pakutaŋga, Jehova Mŋari weɗu wakatiroʋa, nokuti hatina‐kumutȿaka seɀatakarairwa.
14Naiɀoɀo ʋaprista naʋaRevi ʋakaɀinatsa, kuti ʋakwire neareka yaJehova Mŋari waIsraeri.
15Ʋana ʋaRevi ʋakatakura areka yaMŋari pamafudzi aʋo namatanda akaŋga ari’po, seɀaʋakarairwa naMosesi neshoko raJehova.
16Davidi akataura naʋakuru ʋaʋaRevi kuti ʋagadze hama dzaʋo ʋaʋe ʋaimbi ʋaneɀokuridza naɀo, ɀaiti miteŋgeraŋwa, nembira, namakandira, ʋaɀiridze nesimba nokuimbisa nomufaro.
17Ipapo ʋaRevi ʋakagadza Hemani mŋanakomana waJoeri; napakati pehama dzake, Asafi mŋanakomana waBerekia; napakati paʋanakomana ʋaMerari, hama dzaʋo, Etani mŋanakomana waKushaya;
18ʋuye pamŋe cete naʋo hama dzaʋo dzeɓoka recipiri, Zekaria, naBeni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabi, naBenaya, naMaaseya, naMatitiya, naEriferehu, naMikneya, naObedi‐edomi, naJeieri, ʋatariri ʋemikoʋa.
19Saiɀoɀo ʋo ʋaimbi ʋaiti Hemani, naAsafi, naEtani, ʋakagadzwa, ʋanamakandira endarira kuti ʋaaridze nesimba;
20naZekaria, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabi, naMaaseya, naBenaya, ʋanemiteŋgeraŋwa inamanzwi matete;
21naMatitiya, naEriferehu, naMikneya, naObedi‐edomi, naJeieri, naAzaziya, ʋanembira dzinamanzwi makobvu kutuŋgamirira ʋamŋe.
22Kenaniya mukuru waʋaRevi, ndiye waiimbisa ʋanhu; ndiye waidzidzisa ʋanhu kuimba, nokuti wakaŋga aciziʋa iɀoɀo.
23Berekia naErkana ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋemikoʋa yeareka.
24Shebanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekaria, naBenaya, naEriezeri, ʋaprista, ndiʋo ʋairidza hwamanda pamberi peareka yaMŋari; Obedi‐edomi naJehiya ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋemikoʋa yeAreka.
25Ɀino Davidi naʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋecuru camazana, ʋakandobvisa areka yesuŋgano yaJehova mumba maObedi‐edomi nomufaro.
26Ɀino Mŋari wakati aciɓatsira ʋaRevi ʋakaŋga ʋacitakura areka yesuŋgano yaJehova, ʋakaɓayira Mŋari nzombe nomŋe namakondobge manomŋe.
27Davidi wakaŋga akafuka ŋguʋo yomuceka wakanaka, naʋaRevi ʋose ʋakaŋga ʋacitakura areka, naʋaimbi, naKenaniya, mudzidzisi wokuimba, pamŋe cete naʋaimbi; ʋuye Davidi wakaŋga akafuka efodi yomuceka.
28Saiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakakwira neareka yesuŋgano yaJehova ʋacipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, ʋaciridza ɀikuru miteŋgeraŋwa nembira.
29Ɀino areka yesuŋgano yaJehova yakati iciȿika muguta raDavidi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napawindi, akaʋona mambo Davidi acipembera nokutamba; akamushoʋora mumŋoyo make.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.