Mapisarema 98 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova Mambo noMutoŋgi ŋgaarumbidzwe.

1Imbirai Jehova rwiyo rutȿa;

Nokuti wakaita ɀinhu ɀinoshamisa;

Canza cake corudyi, noruʋoko rwake rutȿene, ɀakamukundisa.

2Jehova wakaziʋisa kuponesa kwake;

Wakaratidza pacena kururama kwake pamberi paʋahedeni.

3Wakaraŋgarira ngoni dzake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri;

Migumo yose yapasi yakaʋona kuponesa kwaMŋari weɗu.

4Pururudzai Jehova, pasi pose;

Ƌanidzirai, muimbe nomufaro, imbai nziyo dzokurumbidza.

5Imbirai Jehova nziyo dzokurumbidza nembira;

Nembira, ʋuye nenzwi rokuimba.

6Nehwamanda, nenzwi romumanzi

Pururudzai pamberi paMambo, Jehova.

7Guŋgwa ŋgaritinhire neɀose ɀiri mukati maro;

Nenyika, naʋanogara’mo.

8Nzizi ŋgadziʋucire;

Namakomo ŋgaaimbe pamŋe cete nomufaro;

9Pamberi paJehova, nokuti unoʋuya kuzotoŋga pasi,

Ucatoŋga nyika ɀakarurama,

Naʋanhu nokururama.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help