1Wakati aɓuruka pagomo, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera.
2Tarira, munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akamunamata, akati: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa.
3Akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati: Ndinoɗa; cinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
4Jesu akati kwaari: Tarira, usaʋudza munhu; asi enda, uɀiratidze kumuprista, uɓayire cipo cakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari.
Jesu unoporesa muranda womukuru wezana.(Ruka 7:1–10)5Wakati apinda Kapernaume, mumŋe mukuru wezana akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari,
6aciti: Ishe, muranda waŋgu uʋete kumba, akafa mitezo, asi unotambudzika kwaɀo.
7Akati kwaari: Ndicaʋuya kuzomuporesa.
8Mukuru wezana akapindura, akati: Ishe, handina‐kufanirwa kuti mupinde mumba maŋgu; asi taurai henyu shoko rimŋe cete, muranda waŋgu ucapora.
9Nokuti neni ʋo ndiri munhu unorairwa, ndinaʋarwi pasi paŋgu; ndinoti kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici! unoita.
10Jesu, wakati acinzwa iɀoɀo, akashamiswa, akati kunaʋakaŋga ʋaciteʋera: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handina‐kumboʋona kutenda kwakaɗai, kunyaŋge napakati paʋaIsraeri.
11Ndinoti kwamuri, ʋazhinji ʋacaʋuya ʋacibva kumabvazuʋa, nokumaʋirira, ʋacagara naAbrahama, naIsaka, naJakobo, muʋushe bgokuɗeŋga,
12asi ʋanakomana ʋoʋushe ʋacaɓuɗiswa kurima rokunze; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
13Ɀino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora neŋguʋa iyo.
Jesu unoporesa mai ʋomukadzi waPetro.(Mar 1:29–34; Ruka 4:38–41)14Jesu, wakati acipinda mumba maPetro, akaʋona mai ʋomukadzi wake ʋaʋete, ʋacinzwa fiviri.
15Akaɓata ruʋoko rwaʋo, fiviri ikabva kwaʋari, ʋakasimuka, ʋakamushandira.
16Aʋa maɗekwana, ʋakaʋuya kwaari naʋazhinji ʋaiʋa nemŋeya yakaipa; akaɓuɗisa mŋeya neshoko, akaporesa ʋose ʋairwara.
17Kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Iye wakatora ʋutera bgeɗu, akatakura marwere eɗu.
Kuteʋera Jesu.(Ruka 9:57–62)18Jesu, wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋakamukomba, akaraira kuti ʋayambukire mhiri.
19Ɀino mumŋe munyori akaʋuya akati kwaari: Mudzidzisi, ndicakuteʋerai kwose kwamunoenda.
20Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere: asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake.
21Mumŋe waʋadzidzi akati kwaari: Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu.
22Asi Jesu wakati kwaari: Nditeʋere; rega ʋakafa ʋaʋige ʋakafa ʋaʋo.
Jesu unonyaradza ɗutu remhepo.(Mar 4:35–41; Ruka 8:22–25)23Wakati apinda mugwa, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera.
24Ipapo ɗutu guru remhepo rikamuka muguŋgwa, nokuɗaro igwa rakafukidzwa namafuŋgu; asi iye wakaŋga aʋete.
25Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya, ʋakamumutsa, ʋakati: Ishe, tiponesei, tofa!
26Akati kwaʋari: Munotyireiko, imi ʋokutenda kushoma? Ɀino akamuka, akaraira mitutu neguŋgwa; kudzikama kukuru kukaʋa’po.
27Ʋanhu ʋakashamiswa, ʋakati: Uyu munhu kunyi, ɀaanotererwa nemitutu neguŋgwa?
Jesu unoɓuɗisa mŋeya yakaipa panyika yaʋaGadara.(Mar 5:1–20; Ruka 8:26–39)28Wakati aȿika mhiri kunyika yaʋaGadara, ʋanhu ʋaʋiri ʋaiʋa nemŋeya yakaipa ʋakasoŋgana naye, ʋacibva kumarinda; ʋakaŋga ʋanehasha kwaɀo‐kwaɀo, naiɀoɀo kwakaŋga kusinomunhu waigona kupfuʋura nenzira iyo.
29Ɀino ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Tinemhaka yeiko nemi, Mŋanakomana waMŋari? Maʋuya pano kuzotirwadzisa, ŋguʋa isati yaȿika here?
30Kwakaŋga kuneɓoka guru reŋguruʋe dzakaŋga dzicifura kure naʋo.
31Mŋeya yakaipa ikakumbira ɀikuru kwaari, iciti: Kana mucitiɓuɗisa, mutitumire kuɓoka reŋguruʋe.
32Akati kwairi: Endai. Ikaɓuɗa, ikapinda muŋguruʋe; ɓoka rose rikamhanyira kumawere kuguŋgwa, dzikafira mumvura.
33Ipapo ʋaidzifudza ʋakatiza, ʋakaenda kuguta, ʋakataura ɀose, neɀakaitirwa ʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa.
34Ɀino guta rose rikaɓuɗa kundosoŋgana naJesu; ʋakati ʋacimuʋona, ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti abve munyika yaʋo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.