Mateo 8 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jesu unoporesa munhu unamaperembudzi.(Mar 1:40–45; Ruka 5:12–14)

1Wakati aɓuruka pagomo, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera.

2Tarira, munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akamunamata, akati: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa.

3Akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati: Ndinoɗa; cinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.

4Jesu akati kwaari: Tarira, usaʋudza munhu; asi enda, uɀiratidze kumuprista, uɓayire cipo cakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari.

Jesu unoporesa muranda womukuru wezana.(Ruka 7:1–10)

5Wakati apinda Kapernaume, mumŋe mukuru wezana akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari,

6aciti: Ishe, muranda waŋgu uʋete kumba, akafa mitezo, asi unotambudzika kwaɀo.

7Akati kwaari: Ndicaʋuya kuzomuporesa.

8Mukuru wezana akapindura, akati: Ishe, handina‐kufanirwa kuti mupinde mumba maŋgu; asi taurai henyu shoko rimŋe cete, muranda waŋgu ucapora.

9Nokuti neni ʋo ndiri munhu unorairwa, ndinaʋarwi pasi paŋgu; ndinoti kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici! unoita.

10Jesu, wakati acinzwa iɀoɀo, akashamiswa, akati kunaʋakaŋga ʋaciteʋera: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handina‐kumboʋona kutenda kwakaɗai, kunyaŋge napakati paʋaIsraeri.

11Ndinoti kwamuri, ʋazhinji ʋacaʋuya ʋacibva kumabvazuʋa, nokumaʋirira, ʋacagara naAbrahama, naIsaka, naJakobo, muʋushe bgokuɗeŋga,

12asi ʋanakomana ʋoʋushe ʋacaɓuɗiswa kurima rokunze; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.

13Ɀino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora neŋguʋa iyo.

Jesu unoporesa mai ʋomukadzi waPetro.(Mar 1:29–34; Ruka 4:38–41)

14Jesu, wakati acipinda mumba maPetro, akaʋona mai ʋomukadzi wake ʋaʋete, ʋacinzwa fiviri.

15Akaɓata ruʋoko rwaʋo, fiviri ikabva kwaʋari, ʋakasimuka, ʋakamushandira.

16Aʋa maɗekwana, ʋakaʋuya kwaari naʋazhinji ʋaiʋa nemŋeya yakaipa; akaɓuɗisa mŋeya neshoko, akaporesa ʋose ʋairwara.

17Kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Iye wakatora ʋutera bgeɗu, akatakura marwere eɗu.

Kuteʋera Jesu.(Ruka 9:57–62)

18Jesu, wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋakamukomba, akaraira kuti ʋayambukire mhiri.

19Ɀino mumŋe munyori akaʋuya akati kwaari: Mudzidzisi, ndicakuteʋerai kwose kwamunoenda.

20Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere: asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake.

21Mumŋe waʋadzidzi akati kwaari: Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu.

22Asi Jesu wakati kwaari: Nditeʋere; rega ʋakafa ʋaʋige ʋakafa ʋaʋo.

Jesu unonyaradza ɗutu remhepo.(Mar 4:35–41; Ruka 8:22–25)

23Wakati apinda mugwa, ʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera.

24Ipapo ɗutu guru remhepo rikamuka muguŋgwa, nokuɗaro igwa rakafukidzwa namafuŋgu; asi iye wakaŋga aʋete.

25Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya, ʋakamumutsa, ʋakati: Ishe, tiponesei, tofa!

26Akati kwaʋari: Munotyireiko, imi ʋokutenda kushoma? Ɀino akamuka, akaraira mitutu neguŋgwa; kudzikama kukuru kukaʋa’po.

27Ʋanhu ʋakashamiswa, ʋakati: Uyu munhu kunyi, ɀaanotererwa nemitutu neguŋgwa?

Jesu unoɓuɗisa mŋeya yakaipa panyika yaʋaGadara.(Mar 5:1–20; Ruka 8:26–39)

28Wakati aȿika mhiri kunyika yaʋaGadara, ʋanhu ʋaʋiri ʋaiʋa nemŋeya yakaipa ʋakasoŋgana naye, ʋacibva kumarinda; ʋakaŋga ʋanehasha kwaɀo‐kwaɀo, naiɀoɀo kwakaŋga kusinomunhu waigona kupfuʋura nenzira iyo.

29Ɀino ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Tinemhaka yeiko nemi, Mŋanakomana waMŋari? Maʋuya pano kuzotirwadzisa, ŋguʋa isati yaȿika here?

30Kwakaŋga kuneɓoka guru reŋguruʋe dzakaŋga dzicifura kure naʋo.

31Mŋeya yakaipa ikakumbira ɀikuru kwaari, iciti: Kana mucitiɓuɗisa, mutitumire kuɓoka reŋguruʋe.

32Akati kwairi: Endai. Ikaɓuɗa, ikapinda muŋguruʋe; ɓoka rose rikamhanyira kumawere kuguŋgwa, dzikafira mumvura.

33Ipapo ʋaidzifudza ʋakatiza, ʋakaenda kuguta, ʋakataura ɀose, neɀakaitirwa ʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa.

34Ɀino guta rose rikaɓuɗa kundosoŋgana naJesu; ʋakati ʋacimuʋona, ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti abve munyika yaʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help