Mapisarema 61 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unoʋimba naMŋari pakutambudzika kwake.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuteŋgeranwa. Pisarema raDavidi.

1Inzwai kucema kwaŋgu, Mŋari;

Tererai munyeŋgetero waŋgu.

2Ndicaɗana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana mŋoyo waŋgu waziya;

Ndiperekedzerei kuɗombo randisiŋgaȿikiri.

3Nokuti imi makaŋga muri ʋutiziro bgaŋgu,

Neshoŋgwe yaŋgu yakasimba kwandiŋgatiza muʋeŋgi waŋgu.

4Ndicagara patente renyu nokusiŋgaperi;

Ndicaʋanda munyasi mamapapiro enyu.

5Nokuti imi Mŋari makanzwa mhiko dzaŋgu;

Makadzosa nhaka yaʋanotya zita renyu.

6Mucawedzera mazuʋa oʋupenyu bgamambo;

Makore ake acaenzana naamarudzi mazhinji.

7Ucagara pamberi paMŋari nokusiŋgaperi;

Mumugadzirire ʋunyoro neɀokwaɗi, kuti ɀimuceŋgete.

8Naiɀoɀo ndicaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusiŋgaperi,

Kuti ndiite mhiko dzaŋgu zuʋa rimŋe nerimŋe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help