Mapisarema 111 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋanhu ŋgaʋarumbidze Jehova nokuɗa kweɀose ɀaakaita.

1Hareruya!

Ndicaʋoŋga Jehova nomŋoyo waŋgu wose,

Paraŋgano yaʋakarurama, napaʋuŋgano.

2Maɓasa aJehova makuru,

Anocerekedzwa naʋose ʋanoafarira.

3Ƃasa rake rinoratidza kukudzwa noʋumambo;

Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi.

4Maɓasa ake, anoshamisa, wakaaita ciyeʋudziro;

Jehova unenyasha netsitsi.

5Wakapa ɀokudya ʋanomutya;

Ucaraŋgarira suŋgano yake nokusiŋgaperi.

6Wakaratidza ʋanhu ʋake simba ramaɓasa ake,

Ɀaakaʋapa nhaka yaʋahedeni.

7Maɓasa amaʋoko ake iɀokwaɗi nokururamisira;

Mirairo yake yose yakasimba.

8Yakasimbiswa nokusiŋgaperi‐peri,

Yakaitwa neɀokwaɗi nokururama.

9Wakatumira ʋanhu ʋake rudzikinuro;

Wakaraira suŋgano yake nokusiŋgaperi;

Zita rake idɀene rinotyisa.

10Kutya Jehova ndiko kutaŋga kwoʋucenjeri;

Ʋose ʋanoɀiita ʋanomuraŋgariro wakanaka;

Kurumbidzwa kwake kunogara nokusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help