Mapisarema 92 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwokurumbidza Jehova.Pisarema, rwiyo rwesaɓata.

1Ɀakanaka kuʋoŋga Jehova,

Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumsoro‐soro;

2Kuparidza ʋunyoro bgenyu maŋgwanani,

Nokutendeka kwenyu ʋusiku bgose,

3Necinoridzwa cinehuŋgiso gumi, nomuteŋgeranwa;

Nenzwi rakanaka pambira.

4Nokuti imi, Jehova, makandifadza neɀamakaita;

Ndicafara kwaɀo namaɓasa amaʋoko enyu.

5Maɓasa enyu akakura seiko, Jehova!

Mifuŋgo yenyu yakadzika kwaɀo.

6Usinenjere haaɀiziʋi;

Ƃenzi harinzwisisi iɀoɀi:

7Kana ʋakaipa ʋacimera soʋuswa,

Ʋuye kana ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋacikura;

Ɀinoitwa kuti ʋaparadzwe nokusiŋgaperi.

8Asi imi Jehova, muri kumsoro nokusiŋgaperi.

9Nokuti tarirai; Jehova, ʋaʋeŋgi ʋenyu,

Nokuti tarirai, Jehova, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaparara;

Ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋacaparadzirwa.

10Asi runyaŋga rwaŋgu makarusimudza sorunyaŋga rwenyati;

Ndakazodzwa namafuta matȿa.

11Ziso raŋgu rakaʋona ɀakaitirwa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu,

Nzeʋe dzaŋgu dzakanzwa ɀakaitirwa ʋaiti ʋeɀakaipa, ʋakandimukira.

12Wakarurama ucamera somucindwe;

Ucakura somusidari paRebanoni.

13Ʋakasimŋa mumba maJehova

Ʋacakura muʋazhe dzaMŋari weɗu.

14Ʋacaramba ʋaciɓereka ɀiɓereko pakukwegura kwaʋo;

Ʋacaʋa ʋanyoro naʋatȿa;

15Kuti ʋaparidze kuti Jehova wakarurama;

Ndiye ɗombo raŋgu, hapanecinhu cisina‐kururama maari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help