Ɀireʋo 2 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kunaka kwoʋucenjeri.

1Mŋanakomana waŋgu, kana ukagamucira mashoko aŋgu,

Nokuceŋgeta mirairo yaŋgu kwauri;

2Kuti urerekere nzeʋe yako iterere ʋucenjeri,

Nokurwadza mŋoyo wako, kuti unzwisise;

3Kana ukacemera kunzwisisa,

Ukaɗanidzira nenzwi rako kuti uwane njere;

4Ɀirokwaɀo kana ukaʋutȿaka sesirveri,

Ukaʋutȿakisisa sefuma yakaʋanzwa;

5Ipapo ucanzwisisa kutya Jehova,

Nokuwana ziʋo yaMŋari.

6Nokuti Jehova ndiye unopa ʋucenjeri;

Mumuromo make munoɓuɗa ziʋo nenjere,

7Unoʋigira ʋakarurama ʋucenjeri caibgo;

Ndiye nhoʋo yaʋanofamba muɀokwaɗi;

8Nokuti unorinda makwara okururamisa,

Nokuceŋgeta nzira yaʋatȿene ʋake.

9Ipapo ucanzwisisa kururama nokururamisa,

Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.

10Nokuti ʋucenjeri ʋucapinda mumŋoyo mako,

Ziʋo icafadza mŋeya wako;

11Kuŋgwara kucakurindira,

Njere dzicakuceŋgeta;

12Ɀikurwire panzira yeɀakaipa,

Napaʋanhu ʋanotaura ɀisakarurama;

13Ʋanorasha makwara okururama,

Kuti ʋafambe nenzira dzerima;

14Ʋanofarira kuita ɀakaipa,

Ʋanofadzwa nokunyeŋgera kweɀakaipa.

15Ʋanenzira dzakaminama,

Ʋanotsauka pamakwara aʋo;

16Kuti ɀikurwire kumukadzi wokumŋe,

Kumukadzi mutorwa, unoɓata kumeso namashoko ake.

17Iye, unorasha shamŋari yoʋumhandara bgake,

Acikaŋganwa suŋgano yaMŋari wake.

18Nokuti imba yake inonyura kurufu,

Nenzira dzake kuʋakafa;

19Hakuna‐unopinda kwaari unozodzoka ɀe;

Haʋaȿiki panzira dzoʋupenyu;

20Kuti ufambe nenzira yaʋakanaka,

Uceŋgete makwara aʋakarurama.

21Nokuti ʋakarurama ʋacagara panyika,

Ʋakakwana ʋacarambira’po.

22Asi ʋakaipa ʋacaparadzwa panyika;

Ʋanoita nokunyeŋgedzera ʋacadzurwa’po.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help