Ɀireʋo 24 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Usagoɗora ʋanhu ʋakaipa;

Usashuʋa kuʋa pakati paʋo.

2Nokuti mŋoyo yaʋo inoraŋgarira kuparadza;

Nemiromo yaʋo inotaura ɀakashata.

3Imba inoʋakwa noʋucenjeri;

Inosimbiswa nenjere.

4Neziʋo dzimba dzomukati dzinozadzwa

Nefuma yose inokosha inofadza.

5Munhu wakacenjera unesimba;

Ɀirokwaɀo, munhu weziʋo unowedzera simba.

6Nokuti unofanira kurwa pfumo wamborairirwa noʋucenjeri;

Asi kunaʋarairiri ʋazhinji ndiko kunoruponeso.

7Ʋucenjeri haʋuȿikirwi neɓenzi;

Harishamisi muromo waro paɗare.

8Unoraŋgarira kuita ɀakaipa,

Ucanzi naʋanhu mŋene weɀakashata.

9Mufuŋgo woʋupenzi ɀiʋi;

Muɗaɗi unonyaŋgadza ʋanhu.

10Kana ukapera simba nezuʋa rokutambudzika,

Simba rako ishoma.

11Rwira ʋanoiswa kurufu;

Noʋoʋurawa usarega kuʋadzosa.

12Kana ukati: Tarirai, hatina‐kuɀiziʋa;

Ko iye unoidza mŋoyo, haaɀiʋoni here?

Naiye unoceŋgeta mŋeya wako, haaɀiziʋi here?

Ko iye haaŋgapi mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata here?

13Mŋanakomana waŋgu, idya ʋuci, nokuti bgakanaka;

Nomuȿi, unozipa, pamukanwa wako.

14Ucaʋona kuti ndiɀo ɀicaita ʋucenjeri kumŋeya wako;

Kana waʋuwana, muɓairo ucaʋa’po,

Neɀawakatarira haɀiŋgaparadzwi.

15Iwe munhu wakaipa, usaʋandira panogara wakarurama;

Usaparadza paanozorora.

16Nokuti munhu wakarurama uŋgawa kanomŋe, acisimuka ɀe;

Asi ʋakaipa ʋanowisirwa pasi nenjodzi.

17Usafarisisa kana muʋeŋgi wako aciwa;

Kana aciwisirwa pasi mŋoyo wako ŋgaurege kufara.

18Kuti Jehova arege kuɀiʋona, ɀikasamufadza,

Akazodzora kutsamŋa kwake kwaari.

19Usatsamŋa nokuɗa kwaʋaiti ʋeɀakaipa;

Ʋuye usagoɗora ʋakaipa.

20Nokuti munhu wakaipa haanamuɓairo;

Mŋenje wowakaipa ucadzimŋa.

21Mŋanakomana waŋgu, itya Jehova namambo;

Usafambidzana naʋanoŋgosishanduka.

22Nokuti nhamo yaʋo icamuka pakarepo;

Nokuguma kwamakore aʋo, ndiani ucaɀiziʋa?

23 Ɀireʋo iɀi ʋo ɀakabva kunaʋakacenjera:

Kutsaura ʋanhu pakutoŋga haɀina‐kunaka.

24Unoti kunowakaipa: Wakarurama,

Ʋanhu ʋacamutuka, nendudzi dzicamusema.

25Asi ʋanomuraira, ʋacaitirwa ɀakanaka;

Ropafadzo yakanaka icaʋuya pamsoro paʋo.

26Unopindura namashoko akarurama,

Unoȿeta miromo.

27Gadzira ɓasa rako kunze,

Uɀigadzirire iro pamunda;

Pashure ugoʋaka imba yako.

28Usaʋa capupu cinopomera wokwako asinemhoȿa;

Usanyeŋgedzera nemiromo yako.

29Usati: Seɀaakandiitira, ndiɀo ɀandicamuitira ʋo;

Ndicaripira munhu seɀaakaita iye.

30Ndakapfuʋura napamunda wesimbe,

Napamunda wemizambiriŋga womunhu unoshaiwa njere;

31Tarirai, wakaŋga waŋgomera minzwa cete;

Munda wose wakaŋga wakafukidzwa norukato,

Noruȿiŋgo rwawo rwamabge rwakaŋga rwakoromoka.

32Ipapo ndakacerekedza, ndikanatsofuŋga;

Ndakaʋona, ndikadzidziswa.

33Kumboʋata ɀishomanene, kumbotsimŋaira ɀishomanene,

Kumbofuŋgatira maʋoko ɀishomanene, ndizorore;

34Saiɀoɀo ʋurombo bgako ʋucaȿika segororo,

Nokushaiwa kwako somunhu wakashoŋga nhumbi dzokurwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help