1Kana ndicirapa Israeri, kuipa kwaEfraimi kwoʋonekwa neɀakashata ɀeSamaria; nokuti ʋanonyeŋgera, mbava inopinda mukati, ʋuye ɓoka ramakororo rinoparadza kunze.
2Asi haʋafuŋgi mumŋoyo yaʋo kuti ndinoraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo ɀose; ɀino ɀaʋakaita ɀinoʋakomberedza, ɀiri pamberi paŋgu.
3Ʋanofadza mambo neɀakashata ɀaʋo, namacinda nenhema dzaʋo.
4Ʋose imhombge; ʋakafanana necoto cakaʋeserwa nomuɓiki weciŋgwa; unorega kukucidzira mŋoto, kana akanya ɓundu reciŋgwa, kuȿikira raʋira.
5Nezuʋa ramambo weɗu macinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye wakatambanudza ruʋoko rwake pamŋe cete naʋaseki.
6Nokuti ʋakagadzira mŋoyo yaʋo secoto, ʋaciʋandira; muɓiki waʋo weciŋgwa unoʋata ʋusiku bgose, maŋgwanani cinopfuta somuraɀo womŋoto.
7Ʋanopisa ʋose secoto, ʋanoparadza ʋatoŋgi ʋaʋo; madzimambo aʋo ose akawira pasi, hakuna‐nomumŋe pakati paʋo unoɗana kwandiri.
8Efraimi ndiye unoɀiveŋganisa namamŋe marudzi; Efraimi ciŋgwa cisino‐kushandurwa.
9Ʋatorwa ʋakapedza simba rake, asi iye haaɀiziʋi; ɀirokwaɀo vudzi rake rocena pose‐pose, asi iye haaɀiziʋi.
10Kuɀikudza kwaIsraeri kunopupura pamberi pake, asi haʋana‐kudzokera kunaJehova Mŋari waʋo, kana kumutȿaka, kunyaŋge iɀi ɀose ɀakaɗaro.
11Efraimi wakaita senjiʋa isinamano, isinenjere; ʋanoɗana Egipita, ʋanoenda Asiria.
12Kana ʋacienda, ndicakandira mumbure waŋgu pamsoro paʋo, ndicaʋakweʋera pasi seshiri dzokuɗeŋga; ndicaʋaraŋga seɀaʋakaʋudzwa paʋuŋgano yaʋo.
13Ʋanenhamo iʋo, nokuti ʋakatsauka kwandiri; ŋgaʋaparadzwe, nokuti ʋakandiɗarikira; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɗa kuʋadzikinura, ʋakandireʋera nhema.
14Haʋana‐kuɗana kwandiri nemŋoyo yaʋo, asi ʋanowuŋgudza panhoʋo dzaʋo; ʋanoʋuŋganira ɀiyo newaini itȿa, ʋanondimukira.
15Kunyaŋge ndakaʋadzidzisa nokusimbisa maʋoko aʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanofuŋga kundiitira ɀakaipa.
16Ʋanodzoka, asi haʋadzokeri kunaiye uri kumsoro; ʋakafanana noʋuta ʋunonyeŋgera; macinda aʋo acaparadzwa nomunondo nokuɗa kwehasha dzamarimi aʋo; ndiko kucaʋa kusekwa kwaʋo panyika yeEgipita.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.