Hosea 7 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Kana ndicirapa Israeri, kuipa kwaEfraimi kwoʋonekwa neɀakashata ɀeSamaria; nokuti ʋanonyeŋgera, mbava inopinda mukati, ʋuye ɓoka ramakororo rinoparadza kunze.

2Asi haʋafuŋgi mumŋoyo yaʋo kuti ndinoraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo ɀose; ɀino ɀaʋakaita ɀinoʋakomberedza, ɀiri pamberi paŋgu.

3Ʋanofadza mambo neɀakashata ɀaʋo, namacinda nenhema dzaʋo.

4Ʋose imhombge; ʋakafanana necoto cakaʋeserwa nomuɓiki weciŋgwa; unorega kukucidzira mŋoto, kana akanya ɓundu reciŋgwa, kuȿikira raʋira.

5Nezuʋa ramambo weɗu macinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye wakatambanudza ruʋoko rwake pamŋe cete naʋaseki.

6Nokuti ʋakagadzira mŋoyo yaʋo secoto, ʋaciʋandira; muɓiki waʋo weciŋgwa unoʋata ʋusiku bgose, maŋgwanani cinopfuta somuraɀo womŋoto.

7Ʋanopisa ʋose secoto, ʋanoparadza ʋatoŋgi ʋaʋo; madzimambo aʋo ose akawira pasi, hakuna‐nomumŋe pakati paʋo unoɗana kwandiri.

8Efraimi ndiye unoɀiveŋganisa namamŋe marudzi; Efraimi ciŋgwa cisino‐kushandurwa.

9Ʋatorwa ʋakapedza simba rake, asi iye haaɀiziʋi; ɀirokwaɀo vudzi rake rocena pose‐pose, asi iye haaɀiziʋi.

10Kuɀikudza kwaIsraeri kunopupura pamberi pake, asi haʋana‐kudzokera kunaJehova Mŋari waʋo, kana kumutȿaka, kunyaŋge iɀi ɀose ɀakaɗaro.

11Efraimi wakaita senjiʋa isinamano, isinenjere; ʋanoɗana Egipita, ʋanoenda Asiria.

12Kana ʋacienda, ndicakandira mumbure waŋgu pamsoro paʋo, ndicaʋakweʋera pasi seshiri dzokuɗeŋga; ndicaʋaraŋga seɀaʋakaʋudzwa paʋuŋgano yaʋo.

13Ʋanenhamo iʋo, nokuti ʋakatsauka kwandiri; ŋgaʋaparadzwe, nokuti ʋakandiɗarikira; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɗa kuʋadzikinura, ʋakandireʋera nhema.

14Haʋana‐kuɗana kwandiri nemŋoyo yaʋo, asi ʋanowuŋgudza panhoʋo dzaʋo; ʋanoʋuŋganira ɀiyo newaini itȿa, ʋanondimukira.

15Kunyaŋge ndakaʋadzidzisa nokusimbisa maʋoko aʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanofuŋga kundiitira ɀakaipa.

16Ʋanodzoka, asi haʋadzokeri kunaiye uri kumsoro; ʋakafanana noʋuta ʋunonyeŋgera; macinda aʋo acaparadzwa nomunondo nokuɗa kwehasha dzamarimi aʋo; ndiko kucaʋa kusekwa kwaʋo panyika yeEgipita.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help