1Ɀino mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni wakaȿika ɀe, akandimutsa, somunhu unomutswa pahope dzake.
2Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ini ndikati: Ndakatarira, ndikaʋona cigadziko comŋenje cendarama yose, cineharyana yaco pamsoro paco, nemŋenje yaco minomŋe iri pamsoro paco; mŋenje mumŋe nomumŋe uri pamsoro paco unempombi nomŋe;
3ʋuye miti miʋiri yemiorivi parutiʋi rwaco, mumŋe kurutiʋi rworudyi rweharyana, nomumŋe kurutiʋi rworuɓoshwe.
4Ndikapindura ndikataura nomutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, ndiciti: Iɀi ɀinyiko, ishe waŋgu?
5Ipapo mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, wakapindura, akati kwandiri: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu.
6Ipapo akapindura, akataura neni, aciti: Ndiro shoko raJehova kunaZerubaberi, rinoti: Haɀiitwi nehondo kana nesimba, asi noMŋeya waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
7Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubaberi ucaitwa ɓani: iye ucaɓuɗisa ibge rokumsoro, aciɗanidzira aciti: Nyasha, nyasha ŋgadziʋe kwariri.
8Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:
9Maʋoko aZerubaberi akateya nheyo dzeimba ino, maʋoko ake acaipedzisa ʋo; ipapo iwe ucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakandituma kwauri.
10Nokuti ndiani wakashoʋora zuʋa reɀinhu ɀiɗuku? Nokuti awa manomŋe acafara ɀikuru, acaʋona rwonzi rwokuyera muruʋoko rwaZerubaberi; awa ndiwo meso aJehova anofamba pose‐pose panyika yose.
11Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari: Ko miorivi iyi miʋiri kurutiʋi rworudyi rwecigadziko nokurutiʋi rworuɓoshwe ɀinoti kuɗiniko?
12Ndikapindura ɀe rwecipiri, ndikati kwaari: Ko mataʋi awa maʋiri omuorivi ari kumatiʋi emiromo miʋiri, inoɗira mafuta endarama pairi, anoti kuɗiniko?
13Akandipindura, akati: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu.
14Ɀino akati: Aʋa ndiʋo ʋaʋiri ʋakazodzwa, ʋamire pamberi paShe wenyika yose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.