Zekaria 4 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ciratidzo cecishanu, cecigadziko comŋenje nemiorivi miʋiri.

1Ɀino mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni wakaȿika ɀe, akandimutsa, somunhu unomutswa pahope dzake.

2Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ini ndikati: Ndakatarira, ndikaʋona cigadziko comŋenje cendarama yose, cineharyana yaco pamsoro paco, nemŋenje yaco minomŋe iri pamsoro paco; mŋenje mumŋe nomumŋe uri pamsoro paco unempombi nomŋe;

3ʋuye miti miʋiri yemiorivi parutiʋi rwaco, mumŋe kurutiʋi rworudyi rweharyana, nomumŋe kurutiʋi rworuɓoshwe.

4Ndikapindura ndikataura nomutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, ndiciti: Iɀi ɀinyiko, ishe waŋgu?

5Ipapo mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, wakapindura, akati kwandiri: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu.

6Ipapo akapindura, akataura neni, aciti: Ndiro shoko raJehova kunaZerubaberi, rinoti: Haɀiitwi nehondo kana nesimba, asi noMŋeya waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

7Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubaberi ucaitwa ɓani: iye ucaɓuɗisa ibge rokumsoro, aciɗanidzira aciti: Nyasha, nyasha ŋgadziʋe kwariri.

8Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:

9Maʋoko aZerubaberi akateya nheyo dzeimba ino, maʋoko ake acaipedzisa ʋo; ipapo iwe ucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakandituma kwauri.

10Nokuti ndiani wakashoʋora zuʋa reɀinhu ɀiɗuku? Nokuti awa manomŋe acafara ɀikuru, acaʋona rwonzi rwokuyera muruʋoko rwaZerubaberi; awa ndiwo meso aJehova anofamba pose‐pose panyika yose.

11Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari: Ko miorivi iyi miʋiri kurutiʋi rworudyi rwecigadziko nokurutiʋi rworuɓoshwe ɀinoti kuɗiniko?

12Ndikapindura ɀe rwecipiri, ndikati kwaari: Ko mataʋi awa maʋiri omuorivi ari kumatiʋi emiromo miʋiri, inoɗira mafuta endarama pairi, anoti kuɗiniko?

13Akandipindura, akati: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu.

14Ɀino akati: Aʋa ndiʋo ʋaʋiri ʋakazodzwa, ʋamire pamberi paShe wenyika yose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help