III Johane 1 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kwaziso.

1Mukuru kunaGayo, muɗikanwa, wandinoɗa neɀokwaɗi.

Gayo unorumbidzwa.

2Muɗikanwa, ndinokunyeŋgetera kuti ufare paɀinhu ɀose, ʋuye uʋe mukukutu, sokufara kwomŋeya wako.

3Nokuti ndakafara ɀikuru hama dziciȿika dzicipupurira ɀokwaɗi yako, dziciti, unofamba muɀokwaɗi.

4Handinomufaro unopfuʋura uyu, wokuti ndinzwe kuti ʋana ʋaŋgu ʋanofamba muɀokwaɗi.

5Muɗikanwa, unoɓate‐ɓasa rakatendeka paɀinhu ɀose ɀaunoitira hama naʋaeni ʋo;

6ʋakapupurira ruɗo rwako pamberi pekereke; ucaita ɀakanaka kana uciʋaperekedza nomutoʋo wakafanira Mŋari.

7Nokuti ʋakaɓuɗa nokuɗa kweZita rake, ʋasiŋgatori cinhu kuʋahedeni.

8Naiɀoɀo isu tinofanira kugamucira ɀakanaka ʋakaɗaro, kuti tiɓatsirane paɀokwaɗi.

Diotrefe unopiwa mhaka. Demetrio unorumbidzwa.

9Ndakanyorera kereke; asi Diotrefe, unoɗa kuʋa mukuru pakati paʋo, unotiramba isu.

10Naiɀoɀo, kana ndiciʋuya, ndicayeʋudza maɓasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; ʋuye, haatendi naiɀoɀo ɓedzi, iye amene haagamuciri hama, ʋuye ʋakaŋga ʋaciɗa haʋo unoʋadziʋisa nokuʋadziŋga mukereke.

11Muɗikanwa, usateʋera cakaipa, asi cakanaka. Uyo, unoita ɀakanaka, ndowaMŋari; unoita ɀakaipa, haana‐kuʋona Mŋari.

12Demetrio unopupurirwa naʋanhu ʋose, ʋuye neɀokwaɗi imene; nesu tinopupura ʋo, iwe unoziʋa kuti kupupura kweɗu ndokwaɀokwaɗi.

Kuwonekana.

13Ndakaŋga ndineɀizhinji ɀandaiɗa kukunyorera, asi handiɗi kukunyorera. neiŋgi nepeni;

14asi ndinotarira kuti ndicakurumidza kukuʋona, tigotaurirana nomuromo.

15Rugare ŋgaruʋe newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumŋe nomumŋe nezita rake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help