Mapisarema 122 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jerusarema guta rinoɗikanwa.Rwiyo rworwendo; rwaDavidi.

1Ndakafara paŋguʋa yaʋakati kwandiri:

Hendei kumba kwaJehova.

2Tsoka dzeɗu dzimire

Pakati pamasuʋo ako, Jerusarema;

3Jerusarema, iwe wakaʋakwa

Seguta rakasoŋganiswa ɀakanaka;

4Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehova,

Seɀakarairwa Israeri,

Kuti ʋaʋoŋge zita raJehova.

5Nokuti ndiko kwakagadzwa ɀigaro ɀokutoŋga,

Ɀigaro ɀoʋushe ɀeimba yaDavidi.

6Kumbirirai Jerusarema rugare;

Ʋanokuɗai, ʋacakomborerwa.

7Rugare ŋgaruʋe mukati mamaȿiŋgo ako,

Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoʋushe.

8Nokuɗa kwehama dzaŋgu neshamŋari dzaŋgu,

Ndicati ɀino: Rugare ŋgaruʋe mukati mako.

9Nokuɗa kweimba yaJehova Mŋari weɗu

Ndicakutȿakira ɀakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help