Mapisarema 24 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Simudzai misoro yenyu, masuʋo!Pisarema raDavidi.

1Nyika ndeyaJehova, nokuzara kwayo;

Nyika yose naʋagere’mo.

2Nokuti wakaiteya pamsoro pamakuŋgwa,

Nokuisimbisa pamsoro penzizi.

3Ndiani uŋgakwira mugomo raJehova?

Ndiani uŋgamira panɀimbo yake tȿene?

4Uyo unamaʋoko akacena, nomŋoyo wakanaka kwaɀo;

Usiŋgasimudziri mŋoyo wake kuneɀisinamaturo,

Nousina‐kupika nhema.

5Iye ucapiwa mukomborero naJehova,

Nokururamiswa naMŋari muponesi wake.

6Urwu ndirwo rudzi rwaʋanomutȿaka,

Ʋanotȿaka ciso cenyu, imi Mŋari waJakobo.

7Simudzai misoro yenyu, imi masuʋo;

Musimudzwe imi, magonhi akarekare;

Kuti Mambo wokubginya apinde.

8Ndianiko iye Mambo wokubginya?

Ndiye Jehova unesimba noʋumhare,

Iye Jehova unoʋumhare pakurwa.

9Simudzai misoro yenyu, imi masuʋo;

Muisimudze, imi magonhi akarekare;

Kuti Mambo wokubginya apinde.

10Ndianiko uyu Mambo wokubginya?

Jehova wehondo,

Ndiye Mambo wokubginya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help