Mapisarema 81 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋanhu ŋgaʋarumbidze Jehova, ʋamutende iye oga.Kumutuŋgamiriri wokuimba; neGititi. Pisarema raAsafi.

1Imbirai Mŋari kwaɀo, iye simba reɗu;

Pururudzai kunaMŋari waJakobo.

2Ʋambai rwiyo, muridze ŋgoma,

Nembira dzinonakidza nomuteŋgeranwa.

3Ridzai hwamanda pakugara kwomŋedzi,

Napakucena kwomŋedzi, pamutambo weɗu wakatarwa.

4Nokuti ndiɀo ɀakatemerwa Israeri,

Ɀakarairwa naMŋari waJakobo.

5Wakaɀitema munaJosefa kuti ciʋe cipupuriro,

Paŋguʋa yaakandorwa nenyika yeEgipita;

Pandakanzwa rurimi rwandakaŋga ndisiŋgaziʋi.

6Ndakabvisa mutoro pafudzi rake;

Maʋoko ake akaregedza ɗeŋgu.

7Iwe wakaɗana pakutambudzika, ndikakurwira;

Ndakakupindura ndiri panoʋanda kutinhira;

Ndakakuidza pamvura zhinji yeMeriba.

8Inzwai ʋanhu ʋaŋgu, ndikupupurirei;

Haiwa Israeri, ɗai waiɗa hako kunditerera!

9Ŋgakurege kuʋa’po pakati penyu mŋari wokumŋe;

Musanamata kunomumŋe mŋari waʋatorwa.

10Ndini Jehova Mŋari wako,

Wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita;

Shamisa muromo wako kwaɀo, ndigouzadza.

11Asi ʋanhu ʋaŋgu haʋana‐kuterera inzwi raŋgu;

Israeri wakandiramba cose.

12Saka ndakaʋaregera paʋukukutu bgemŋoyo yaʋo,

Kuti ʋafambe namano aʋo.

13Haiwa, ɗai ʋanhu ʋaŋgu ʋainditerera haʋo,

Ƌai Israeri aifamba nenzira dzaŋgu!

14Ndiŋgaɗai ndakakurumidza kukunda ʋaʋeŋgi ʋaʋo,

Nokuroʋa ʋadziʋisi ʋaʋo noruʋoko rwaŋgu.

15Ʋanoʋeŋga Jehova ʋaiɀiisa pasi pake;

Asi ŋguʋa yaʋo yaiʋa’po nokusiŋgaperi.

16Uŋgaɗai aiʋadyisa ʋo ɀiyo ɀakaiȿo‐naka;

Ndaikugutsa noʋuci ʋunobva paɗombo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help