Mapisarema 9 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unoʋoŋga nokuti Jehova wakamurwira.Kumutuŋgamiriri wokuimba; neMutrabeni. Pisarema raDavidi.

1Ndicaʋoŋga Jehova nomŋoyo waŋgu wose;

Ndicaparidza maɓasa enyu ose anoshamisa.

2Ndicafara nokukufarirai ɀikuru;

Ndicaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumsoro‐soro.

3Kana ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋacidzokera shure,

Ʋanogumburwa nokupera pamberi penyu.

4Nokuti mandiruramisira mhoȿa yaŋgu;

Makagara pacigaro coʋushe mucitoŋga nokururama.

5Makatuka ʋahedeni, makaparadza ʋakaipa,

Makadzima zita raʋo nokusiŋgaperi‐peri.

6Ʋaʋeŋgi ʋakapera, ʋakaparadzwa nokusiŋgaperi;

Makaparadza maguta aʋo,

Neciyeʋudzo cawo cakaparara.

7Asi Jehova ugere ari mambo nokusiŋgaperi;

Wakagadzira cigaro cake coʋushe kuti atoŋge.

8Ucatoŋga nyika nokururama,

Ucatoŋga ʋanhu ɀakafanira.

9Jehova ucaʋa nhare yakasimba kunaʋanomanikidzwa,

Nhare yakasimba paŋguʋa yokutambudzika.

10Ʋanoziʋa zita renyu ʋacaʋimba nemi;

Nokuti imi Jehova hamuna‐kurasha ʋanokutȿakai.

11Imbirai Jehova nziyo dzokumurumbidza, iye ugere paZioni;

Ƌudzirai ɀaakaita pakati pendudzi dzaʋanhu.

12Nokuti iye, unotsiʋa ropa, unoʋaraŋgarira;

Haakaŋganwi kucema kwaʋarombo.

13Ndinzwirei tsitsi, Jehova;

Tarirai kumanikidzwa kwaŋgu naʋanondiʋeŋga,

Imi munondisimudza pamisuʋo yorufu;

14Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose;

Pamisuʋo yomukunda weZioni,

Ndicafarira kuponesa kwenyu.

15Ʋahedeni ʋakanyura mugomba raʋakacera;

Rutsoka rwaʋo rwakaɓatwa mumumbure, waʋakaʋanza.

16Jehova wakaɀiziʋisa, wakatoŋga;

Wakaipa wakateyiwa neɓasa ramaʋoko ake.

17Wakaipa ucadzokera kuSheori,

Iʋo ʋahedeni ʋose, ʋakakaŋganwa Mŋari.

18Nokuti unoshaiwa haaŋgakaŋganikwi nokusiŋgaperi,

Nokutarira kwomurombo hakuŋgaperi nokusiŋgaperi.

19Simukai Jehova; munhu ŋgaarege kukunda;

Ʋahedeni ŋgaʋatoŋgwe pamberi penyu.

20Ciʋatyisai, Jehova;

Ʋahedeni ŋgaʋaziʋe kuti ʋanoŋgoʋa ʋanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help