Mapisarema 30 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwokuʋoŋga.Pisarema; rwiyo pakutsaurira Jehova imba; Pisarema raDavidi.

1Ndicakukudzai ɀikuru, Jehova; nokuti makandisimudza,

Hamuna‐kutendera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu kufara nokuɗa kwaŋgu.

2Jehova, Mŋari waŋgu,

Ndakacema kwamuri, imi mukandiporesa.

3Jehova, makaɓuɗisa mŋeya waŋgu paSheori;

Makaceŋgeta ʋupenyu bgaŋgu, kuti ndirege kuɓurukira kugomba.

4Imbirai Jehova nziyo dzokurumbidza, imi ʋatȿene ʋake,

Muʋoŋge kana muciraŋgarira zita rake dɀene.

5Nokuti kutsamŋa kwake kuri’po ciŋguʋa ciɗuku;

Asi ŋgoni dzake ndedzoʋupenyu bgose.

Kucema kuŋgaʋa’po maɗekwana,

Asi mufaro unoȿika maŋgwanani.

6Kana ndiri’ni, ndakati pakufara kwaŋgu:

Handiŋgatoŋgozunuŋguswi.

7Imi Jehova, neŋgoni dzenyu makamisa gomo raŋgu nesimba;

Makaʋanza ciso cenyu; ini ndikatambudzika.

8Ndakacema kwamuri, Jehova;

Ʋuye ndakakumbira kunaJehova;

9Ropa raŋgu riŋgandiɓatsireiko, kana ndiciɓurukira kugomba?

Guruʋa riŋgakurumbidzai here? Riŋgaɗudzira ɀokwaɗi yenyu here?

10Inzwai Jehova, mundinzwirei tsitsi;

Jehova, iʋai muɓatsiri waŋgu.

11Makashandura kucema kwaŋgu kukaʋa kutamba;

Makasunuŋgura gumbu raŋgu, mukasuŋga ciʋuno caŋgu nomufaro;

12Kuti mŋeya waŋgu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara.

Jehova Mŋari waŋgu, ndicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help