1Inzwai mashoko aŋgu, Jehova,
Raŋgarirai kufuŋga kwomŋoyo waŋgu.
2Tererai inzwi rokucema kwaŋgu, imi Mambo waŋgu, naMŋari waŋgu;
Nokuti ndinonyeŋgetera kwamuri.
3Jehova, mucanzwa inzwi raŋgu maŋgwanani;
Maŋgwanani ndicakuroŋgedzerai munyeŋgetero waŋgu, ndicirindira.
4Nokuti hamuzi Mŋari unofarira ɀakaipa;
Munhu, wakashata, haaŋgagari nemi.
5Munhu, unoɀikudza, haaŋgamiri pamberi penyu;
Munoʋeŋga ʋose ʋanoita ɀakaipa.
6Mucaparadza ʋanoreʋa nhema;
Jehova unosema munhu unoteʋura ropa nounonyeŋgera.
7Asi kana ndirini, ndicapinda mumba menyu nokuwanda kwoʋunyoro bgenyu,
Ndicanamata ndakariŋgira kutembere yenyu tȿene ndicikutyai.
8Ndifambisei, Jehova, mukururama kwenyu nokuɗa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu;
Gadzirai nzira yenyu pamberi paŋgu.
9Nokuti hapana‐kutendeka pamiromo yaʋo;
Mukati maʋo makashata‐shata;
Huro dzaʋo bgiro bgakashama;
Ʋanoɓata kumeso norurimi rwaʋo.
10Muʋapei mhoȿa, Jehova;
Ŋgaʋawe namano aʋo;
Muʋadziŋge nokuɗa kwokuwanda kwokuɗarika kwaʋo;
Nokuti ʋakakumukirai.
11Asi ʋose ʋanoʋimba nemi ŋgaʋafare,
Ŋgaʋaɗanidzire nomufaro ŋguʋa dzose, nokuti imi munoʋadzitira;
Ʋose ʋanoɗa zita renyu ŋgaʋafare nemi.
12Nokuti mucaropafadza wakarurama;
Imi Jehova, mucamukomberedza nenyasha senhoʋo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.