Mapisarema 5 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unokumbira kuti afambiswe ɀakanaka pakati paʋaʋeŋgi ʋake.Kumutuŋgamiriri wenziyo; nenyere. Pisarema raDavidi.

1Inzwai mashoko aŋgu, Jehova,

Raŋgarirai kufuŋga kwomŋoyo waŋgu.

2Tererai inzwi rokucema kwaŋgu, imi Mambo waŋgu, naMŋari waŋgu;

Nokuti ndinonyeŋgetera kwamuri.

3Jehova, mucanzwa inzwi raŋgu maŋgwanani;

Maŋgwanani ndicakuroŋgedzerai munyeŋgetero waŋgu, ndicirindira.

4Nokuti hamuzi Mŋari unofarira ɀakaipa;

Munhu, wakashata, haaŋgagari nemi.

5Munhu, unoɀikudza, haaŋgamiri pamberi penyu;

Munoʋeŋga ʋose ʋanoita ɀakaipa.

6Mucaparadza ʋanoreʋa nhema;

Jehova unosema munhu unoteʋura ropa nounonyeŋgera.

7Asi kana ndirini, ndicapinda mumba menyu nokuwanda kwoʋunyoro bgenyu,

Ndicanamata ndakariŋgira kutembere yenyu tȿene ndicikutyai.

8Ndifambisei, Jehova, mukururama kwenyu nokuɗa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu;

Gadzirai nzira yenyu pamberi paŋgu.

9Nokuti hapana‐kutendeka pamiromo yaʋo;

Mukati maʋo makashata‐shata;

Huro dzaʋo bgiro bgakashama;

Ʋanoɓata kumeso norurimi rwaʋo.

10Muʋapei mhoȿa, Jehova;

Ŋgaʋawe namano aʋo;

Muʋadziŋge nokuɗa kwokuwanda kwokuɗarika kwaʋo;

Nokuti ʋakakumukirai.

11Asi ʋose ʋanoʋimba nemi ŋgaʋafare,

Ŋgaʋaɗanidzire nomufaro ŋguʋa dzose, nokuti imi munoʋadzitira;

Ʋose ʋanoɗa zita renyu ŋgaʋafare nemi.

12Nokuti mucaropafadza wakarurama;

Imi Jehova, mucamukomberedza nenyasha senhoʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help