Mapisarema 42 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

BUKU IICishuʋo comutapxa kushumira Jehova patembere.Kumutuŋgamiriri wokuimba; rwiyo rweMashiri rwaʋanakomana ʋaKora.

1Senondo inotakwairira hoʋa dzemvura,

Saiɀoɀo mŋeya waŋgu unokutakwairirai imi Mŋari.

2Mŋeya waŋgu unenyota kunaMŋari, iye Mŋari mupenyu:

Ndicaȿika riniko ndiʋonekwe NaMŋari?

3Misodzi yaŋgu ɀakaŋga ɀiri ɀokudya ɀaŋgu masikati noʋusiku,

Pakutaura kwaʋo zuʋa rose kwandiri ʋaciti: Mŋari wako uripiko?

4Ndinoraŋgarira ɀinhu iɀi, ndiciɗurura mŋeya waŋgu mukati maŋgu,

Ɀokuti ndaienda naʋazhinji, ndiciʋatuŋgamirira kuimba yaMŋari

Nenzwi rokufara nokurumbidza, tiri ʋazhinji ʋaitamba mutambo.

5Unoshuwireiko, mŋeya waŋgu?

Unoshaiwa rugare neiko mukati maŋgu?

Tarira kunaMŋari; nokuti ndicazomurumbidza haŋgu,

Nokuɗa kwokuponesa kweciso cake.

6Haiwa Mŋari, mŋeya waŋgu unoshuwa mukati maŋgu;

Naiɀoɀo ndinokuraŋgarirai ndiri panyika yaJoridani,

Napamakomo eHermoni, necikomo ceMizari.

7Pakadzika panoɗana pakadzika pakutinhira kwamapopopo enyu;

Mafuŋgu enyu namapoporodzi enyu akapfuʋura napamsoro paŋgu.

8 Asi Jehova ucaraira ʋunyoro bgake paŋguʋa yamasikati,

Ʋusiku rwiyo rwake rucaʋa neni,

Uʋe munyeŋgetero kunaMŋari woʋupenyu bgaŋgu.

9Ndicati kunaMŋari, ɗombo raŋgu: Makandikaŋganwireiko?

Ndinofambireiko ndicicema nemhaka yokumanikidza kwomuʋeŋgi waŋgu?

10Ɀakafanana nomunondo pamafupa aŋgu, kana ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋacindiɀidza;

Kana ʋaciramba ʋaciti kwandiri: Mŋari wako uripiko?

11Unoshuwireiko, mŋeya waŋgu?

Unoshaiwa rugare neiko mukati maŋgu?

Tarira kunaMŋari; nokuti ndicazomurumbidza haŋgu,

Iye muponesi weciso caŋgu, NaMŋari waŋgu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help