1Ɀireʋo ɀaSoromoni, mŋanakomana waDavidi, mambo waIsraeri:
2Kuti ʋanhu ʋaziʋe ʋucenjeri nokurairirwa;
Nokunzwisisa mashoko enjere;
3Ʋarairirwe nzira yokuŋgwara,
Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka;
4Ʋasinamano ʋapiwe kuŋgwara,
Jaya ripiwe ziʋo nokucenjera;
5Kuti wakacenjera anzwe, awedzere kudzidza;
Nomunhu wenjere awane mano akanaka.
6Ʋanzwisise cireʋo nomufananidzo,
Mashoko aʋakacenjera neɀirabge ɀaʋo.
Munhu ŋgaanɀeŋge ʋatadzi ʋanonyeŋgedzera.7Kutya Jehova ndiko kuʋamba kweziʋo;
Mapenzi anoshoʋora ʋucenjeri nokurairirwa.
8Mŋanakomana waŋgu, inzwa kurairira kwaɓaɓa ʋako;
Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako.
9Nokuti ɀicaʋa cishoŋgo cakanaka pamusoro wako,
Noʋuketani pamutsipa wako.
10Mŋanakomana waŋgu, kana ʋatadzi ʋacikugombedzera,
Usatenda iwe.
11Kana ʋaciti: Hendei tose,
Ŋgatirindire ropa;
Ŋgatiʋandire ʋasinemhoȿa kunyaŋge pasinemhaka.
12Ŋgatiʋamedze ʋari ʋapenyu seSheori,
Ʋari ʋakukutu saiʋo ʋanoɓurukira kugomba.
13Ticawana fuma yamarudzi mazhinji;
Ticazadza dzimba dzeɗu neɀatakapamba;
14Iwe ucaʋa mumŋe weɗu;
Tose ticaʋa necikwama cimŋe cete;
15Mŋanakomana waŋgu, usafamba naʋo nenzira yaʋo;
Dzora rutsoka rwako panzira yaʋo;
16Nokuti tsoka dzaʋo dzinoʋaŋgira ɀakaipa;
Ʋanokurumidza kuɗurura ropa.
17Nokuti mumbure unodzikirwa pasina
Shiri dzamarudzi ose dziciɀiʋona.
18 Ʋanhu aʋa ʋanogarira ropa raʋo ʋamene;
Ʋanoɀiʋandira ʋupenyu bgaʋo.
19Ndiɀo ɀakaita ʋo nzira dzaʋose ʋanokarira fuma;
Ɀinotorera mŋene waɀo ʋupenyu bgake.
Ʋucenjeri ʋunoɗana ʋasinenjere.20Ʋucenjeri ʋunoɗanidzira panzira dzomumusha;
Ʋunonzwisa inzwi rabgo panɀimbo dzakafara;
21Ʋunoɗana panɀimbo panoʋuŋgana ʋazhinji;
Paʋanopinda pamasuʋo,
Paguta, ndi’po paʋunotaura mashoko abgo, ʋuciti:
22Nhai imi ʋasinamano, mucaɗa kusaʋa‐namano kuȿikira riniko?
Nemi ʋaseki kufarira kuseka kwenyu,
Namapenzi kuʋeŋga ziʋo?
23Dzokai kana mucinzwa kuraira kwaŋgu,
Tarirai ndicaɗurura mŋeya waŋgu pamsoro penyu;
Ndicakuziʋisai mashoko aŋgu.
24Ɀandakaɗana, imi mukaramba;
Ndikatambanudza ruʋoko rwaŋgu, kukasaʋa nomunhu wakaraŋgarira;
25Asi makaɀidza mano aŋgu ose,
Mukaramba cose kuraira kwaŋgu,
26Naiɀoɀo neni ʋo ndicaseka kana maʋa munhamo yenyu;
Ndicakuɗaɗirai, kana kutya kwenyu kuciȿika.
27Kana kutya kwenyu kuciȿika seɗutu guru,
Nenhamo yenyu iciȿika secampupuri;
Kana kutambudzika nokuɗumbirwa ɀicikuwirai.
28Neŋguʋa iyo ʋacaɗana kwandiri, asi handiŋgapinduri;
Ʋacanditȿaka ɀikuru, asi haʋaŋgandiwani.
29Ɀaʋakaʋeŋga ziʋo,
Ʋakasaɀitsaurira kutya Jehova,
30Ʋakaramba mano aŋgu ose,
Ʋakashoʋora kuraira kwaŋgu kwose,
31Naiɀoɀo ʋacadya ɀiɓereko ɀenzira yaʋo;
Ʋacagutswa namano aʋo.
32Nokuti kudzokera shure kwaʋasinamano kucaʋaʋuraya,
Kusaʋa nehanya kwamapenzi kucaaparadza.
33Asi aninani unonditerera ucagara ɀakasimba,
Ucagadzikana, asiŋgatyi ɀakaipa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.