Ezekieri 4 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ɀokuparadzwa kweJerusarema.

1Ɀino iwe mŋanakomana womunhu, tora citina ucigadzike pamberi pako, ufananidzire’po guta, iro reJerusarema.

2Ɀino urikombe nehondo, uriʋakire nhare dzokurwa naro, uritutire murwi wokurwa nawo; uriisire misasa, nokurikomberedza kumatiʋi ose neɀokugumura kuriputsa.

3Ɀino utore gaŋgo reɗare, urigadze pakati pako neguta, ruʋe ruȿiŋgo rweɗare; ɀino urinzire ciso cako kwariri, ipapo ricaʋa guta rakakombga nehondo, iwe ndiwe ucarikomba. Ici cicaʋa ciratidzo kuimba yaIsraeri.

4Ʋuye ɀe, uʋate pasi parutiʋi rwako rworuɓoshwe, uise pamsoro parwo ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri; mazuʋa aunoʋata parutivi urwo ndiyo ŋguʋa yaucatakura ɀakaipa ɀaʋo.

5Nokuti ndakatara makore eɀakaipa ɀaʋo aenzane namazuʋa ako, mazuʋa anamazana matatu namakumi mapfumbamŋe; saiɀoɀo ucatakura ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri.

6Ɀino kana wapedza mazuʋa awa, uʋate pasi norutiʋi rwako rworudyi, kuti utakure ɀakaipa ɀeimba yaJuda; ndakakutarira mazuʋa anamakumi manna, zuʋa rimŋe nerimŋe rifananidze gore.

7Urinzire ciso cako wakatarira kukombga kweJerusarema, ruʋoko rwako rwakafukurwa; ugoprofita pamsoro paro.

8Tarira, ndinokusuŋga neɀisuŋgo, urege kushandukurira kunorumŋe rutiʋi, kuȿikira wapedza mazuʋa okukomba kwako.

9Ɀino utore ʋo ɀiyo nebari nenyimo nenyemba namapfunde nesipereti uɀiise mumudziyo mumŋe, ugoɀiitira ciŋgwa naɀo; unofanira kucidya mazuʋa aunoʋata pasi parutiʋi rwako, iwo mazuʋa anamazana matatu namakumi mapfumbamŋe.

10Ɀokudya ɀako ɀaunofanira kudya, ɀicayerwa kurema kwaɀo, mashekeri anamakumi maʋiri nezuʋa rimŋe nerimŋe; ucaɀidya ŋguʋa neŋguʋa.

11Unofanira kunwa ʋo mvura yakayerwa, cecitanhatu cehini; ucainwa ŋguʋa neŋguʋa.

12Unofanira kuɀidya ɀakafanana neɀiŋgwa ɀebari, unofanira kuɀiɓika pamberi paʋo nendoʋe inoɓuɗiswa naʋanhu.

13Jehova akati: Saiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋacadya ɀokudya ɀaʋo ɀinetȿina pakati pamarudzi kwandicaʋadziŋgira.

14Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Jehova! Tarirai mŋeya waŋgu hauna‐kumboȿiɓiswa; nokuti kubva paʋuɗuku bgaŋgu kuȿikira ɀino, handina‐kumbodya cakafa coga, kana cakaʋurawa neɀikara, nenyama inonyaŋgadza haina‐kumbopinda mumuromo maŋgu.

15Ipapo akati kwandiri: Tarira, ndakupa ndoʋe yeŋombe panɀimbo yendoʋe yaʋanhu, unofanira kugadzira ɀokudya ɀako nayo.

16Akati ʋo kwandiri: Mŋanakomana womunhu, tarira ndicavuna muɗonɀo weɀokudya paJerusarema; ʋacadya ɀokudya ɀakayerwa ʋacitya, ʋacanwa mvura yakayerwa, ʋacivunduka;

17kuti ʋashaiwe ɀokudya nemvura, ʋavunduke mumŋe nomumŋe, ʋapere muɀakaipa ɀaʋo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help