Jobo 10 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jobo haanzwisisi kutambudzika kwake, nokuti kare Mŋari waimukomborera kwaɀo.

1Mŋoyo waŋgu waneta noʋupenyu bgaŋgu;

Handiŋgaɀidzori pakunyunyuta kwaŋgu;

Ndicataura neshuŋgu dzomŋoyo waŋgu.

2Ndicati kunaMŋari: Musandipa mhoȿa;

Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko?

3Ɀinokufadzai here kumanikidza,

Nokuɀidza ɓasa ramaʋoko enyu,

Mucivenekera kuraŋgana kwaʋakaipa here?

4Munameso enyama here,

Kana munoʋona somunhu here?

5Mazuʋa enyu akafanana namazuʋa omunhu here,

Kana makore enyu namakore omunhu here?

6Ɀamunobvunza ɀakaipa ɀaŋgu,

Nokunɀera ɀiʋi ɀaŋgu,

7Kunyaŋge muciziʋa kuti handizi wakaipa;

Ʋuye kuti hakuna‐unogona kurwira paruʋoko rwenyu here?

8Maʋoko enyu akandiita nokundiʋumba,

Nhiʋi dzaŋgu dzose; kunyaŋge ɀakaɗaro moɗa kundiparadza.

9Raŋgarirai, ndiɀo ɀandinokumbira, kuti makandiʋumba sevu;

Ɀino mucandidzosera kuguruʋa here?

10Hamuna‐kundiɗurura somukaka here,

Nokundikodza somukaka wakafa?

11Makandifukidza neganda nenyama,

Mukandisuŋganidza namafupa namarunda.

12Makandipa ʋupenyu netsitsi,

Hanya dzenyu dzakaceŋgeta mŋeya waŋgu.

13Asi makaʋanza ɀinhu iɀi mumŋoyo menyu;

Ndinoziʋa kuti cinhu ici caiʋa nemi kare.

14Kana ndikatadza munondicerekedza,

Hamuɗi kundikaŋganwira kuɗarika kwaŋgu.

15Kana ndiri wakaipa, ndinenhamo;

Kana ndiri wakarurama, kunyaŋge ɀakaɗaro handiŋgasimudzi musoro waŋgu;

Ɀandizere nokunyadzwa

Ndiciŋgotarira kutambudzika kwaŋgu.

16Kana ndikaɀikudza, munondironda seshumba;

Munopamha ɀe kundishamisa nesimba renyu.

17Munowedzera ɀapupu ɀenyu kuzorwa neni,

Nokuwanza kutsamŋa kwenyu pamsoro paŋgu;

Kushanduka nehondo ɀineni.

18Makandiɓuɗisireiko paciɀaro camai?

Ndiŋgaɗai ndaifira haŋgu’mo, ndisanhi ndaʋonekwa neziso romunhu.

19Ndaiita haŋgu sendisina‐kuʋa’po;

Ndaitakurirwa kubgiro ndicibva paciɀaro camai.

20Ko mazuʋa aŋgu haazi mashoma here? Ɀino gumai,

Ndiregei henyu, kuti ndizorore ɀishoma,

21Ndisanhi ndaenda kwandisiŋgazodzoki,

Kunyika yerima nomumvuri worufu;

22Iyo nyika yerima guru, rima cairo;

Nyika yomumvuri worufu, panokukaŋganiswa,

Ipapo ciedza cakafanana nerima.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help