Mapisarema 131 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rugare munaJehova.Rwiyo rworwendo; rwaDavidi.

1Jehova, mŋoyo waŋgu hauɀikudzi, meso aŋgu haanamanyawi;

Handinehanya neɀinhu ɀikuru‐kuru,

Kana neɀinhu ɀinondikurira.

2Ɀirokwaɀo ndakaʋaraidza mŋeya waŋgu nokuunyaradza;

Somŋana wakarumurwa uri panamai ʋake,

Mŋeya waŋgu wakaita kwandiri somŋana wakarumurwa.

3Imi Israeri, tarirai kunaJehova

Kubva paŋguʋa ino kuȿikira pakusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help