1Jehova, mŋoyo waŋgu hauɀikudzi, meso aŋgu haanamanyawi;
Handinehanya neɀinhu ɀikuru‐kuru,
Kana neɀinhu ɀinondikurira.
2Ɀirokwaɀo ndakaʋaraidza mŋeya waŋgu nokuunyaradza;
Somŋana wakarumurwa uri panamai ʋake,
Mŋeya waŋgu wakaita kwandiri somŋana wakarumurwa.
3Imi Israeri, tarirai kunaJehova
Kubva paŋguʋa ino kuȿikira pakusiŋgaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.