1Ndinzwirei tsitsi, Mŋari; nokuti ʋanhu ʋanotȿaka kundimedza;
Zuʋa rose ʋanorwa neni ʋacindimanikidza.
2Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋanoɗa kundimedza zuʋa rose;
Nokuti ʋanorwa neni ʋaciɀikudza ʋazhinji.
3Paŋguʋa yandinotya,
Ndicaʋimba nemi.
4MunaMŋari ndicarumbidza shoko rake;
Ndakaʋimba naMŋari, handiŋgatyi;
Nyama iŋgandiiteiko?
5Zuʋa rose ʋanoshandura mashoko aŋgu;
Mifuŋgo yaʋo yose inondifuŋgira ɀakaipa.
6Ʋanoʋuŋgana, ʋanoʋanda,
Ʋanocerekedza makwara aŋgu,
Kana ʋaciʋandira mŋeya waŋgu.
7Ʋacapukunyuka nenzira yeɀakaipa here?
Paradzai ʋanhu nokutsamŋa kwenyu, Mŋari.
8Imi munoʋereŋga madzuŋgairire aŋgu;
Isai misodzi yaŋgu mumudziyo wenyu;
Haizi murugwaro rwenyu here?
9Ipapo ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋacadzokera shure nomusi wandinoɗana;
Ndinoziʋa cinhu ici, kuti Mŋari uri kurutiʋi rwaŋgu.
10MunaMŋari ndicarumbidza shoko rake;
MunaJehova ndicarumbidza shoko rake.
11Ndakaʋimba naMŋari, handiŋgatyi;
Ʋanhu ʋaŋgandiiteiko?
12Ndinosuŋgwa neɀandakakupikirai Mŋari;
Ndicakuʋigirai ɀipiriso ɀokuʋoŋga naɀo.
13Nokuti makarwira mŋeya waŋgu parufu;
Namakumbo aŋgu pakugumburwa.
Kuti ndifambe pamberi paMŋari
Muciedza coʋupenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.