Mapisarema 7 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unokumbira kuti Jehova amururamisire.Rwiyo rwaDavidi rwaakaimbira Jehova nokuɗa kwamashoko aKushi, muBenjamini.

1Jehova Mŋari waŋgu, ndinoʋimba nemi;

Ndiponesei kunaʋose ʋanonditeʋerera, mundirwirei;

2Kuti arege kubvambura mŋeya waŋgu seshumba,

Aubvamburanye, ndicishaiwa unondirwira.

3Jehova Mŋari waŋgu, kana ndiciŋge ndakaita iɀoɀi;

Kana ɀakaipa ɀiri’mo mumaʋoko aŋgu;

4Kana ndiciŋge ndakaitira ɀakaipa munhu waiʋa noʋukama neni;

(Iɀo, ndakarwira waiʋa mudziʋisi waŋgu ndisinemhoȿa;)

5Muʋeŋgi ŋgaateʋerere mŋeya waŋgu, auɓate;

Ŋgaatsikire ʋupenyu bgaŋgu pasi,

Aise kukudzwa kwaŋgu muguruʋa.

6Simukai Jehova, pakutsamŋa kwenyu,

Simukirai hasha dzaʋadziʋisi ʋaŋgu;

Mumuke nokuɗa kwaŋgu; ndimi makaraira kuti ɀakarurama ɀiitwe.

7Ʋuŋgano yendudzi dzaʋanhu ŋgaikupoteredzei;

Mudzokere kumsoro pamsoro paʋo.

8Jehova unotoŋga ndudzi dzaʋanhu;

Nditoŋgei Jehova sokururama kwaŋgu, ʋuye neɀokwaɗi iri mandiri.

9Haiwa, kuipa kwaʋakaipa ŋgakugume, asi simbisai wakarurama;

Nokuti Mŋari, wakarurama, unoidza mŋoyo netȿo.

10Nhoʋo yaŋgu iri kunaMŋari,

Iye unoponesa ʋanemŋoyo yakarurama.

11Mŋari mutoŋgi wakarurama,

Ɀirokwaɀo, ndiMŋari unoȿotwa zuʋa rimŋe nerimŋe.

12Kana munhu asiŋgatendeʋuki, iye ucarodza munondo wake;

Wakakuŋga ʋuta bgake, akaʋugadzira.

13Wakaɀigadzirira ʋo nhumbi dzokuʋuraya nadzo;

Unoɀiitira miseʋe inopisa.

14Tarira, unotambudzika pakuɓereka ɀakaipa;

Ɀirokwaɀo, wakaʋa nemimba yeɀakashata, akaɓereka nhema.

15Wakacera hunza, akaidzikisa,

Akawira mugomba raakacera iye.

16Ɀakashata ɀake ɀicadzokera pamusoro wake amene,

Ʋuye kumanikidza kwake kucaʋuya pamsoro peɗehenya rake.

17Ndicaʋoŋga Jehova nokuɗa kwokururama kwake;

Ndicaimbira zita raJehova Wokumsoro‐soro.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help