Muparidzi 12 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Raŋgarira ʋo Musiki wako pamazuʋa oʋujaya bgako, mazuʋa akaipa asati aȿika, namakore asati aʋa’po, paŋguʋa yaucazoti: Handifariri iɀoɀo;

2zuʋa neciedza, nomŋedzi, nenyeredzi ɀisati ɀaȿiɓiswa, makore acidzoka kana mvura yapfuʋura;

3zuʋa iro, kana ʋatariri ʋeimba ʋaciɗeɗera, ʋarume ʋanesimba ʋacikotama, ʋakuyi ʋacirega ɓasa raʋo, nokuti ʋaʋa ʋashoma; naʋanotarira napamawindi ʋaȿiɓirwa;

4mikoʋa icizarirwa inoɓuɗira kunzira dzomumusha, nenzwi rokukuya riciɗerera; kana acimuka nenzwi reshiri, naʋaimbi ʋose ʋasiŋganzwiki ɀakanaka.

5Ɀirokwaɀo ʋacatya ɀakakwirira, neɀinotyisa ɀicanzi ɀiri panzira; muamanda ucatumbuka maruʋa, nemhashu icaɀikwekweredza, ʋuye kuɗa kwose kucapera; nokuti munhu unoenda kumusha wake usiŋgaperi, ʋacemi ʋacafamba‐famba panzira dzomumusha;

6rwonzi rwesirveri rusati rwaɗamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, ciroŋgo cisati caputswa patsime, necicereso cinomonerwa cisati cavunikira pacituɓu,

7guruʋa risati radzokera kuvu, seɀarakaŋga rakaita; ʋuye mŋeya usati wadzokera kunaMŋari wakaupa.

8Ɀanzi noMuparidzi: Haɀinamaturo cose, ɀose haɀinamaturo!

Itya Mŋari uceŋgete mirairo yake.

9Ɀino, Muparidzi ɀaakaŋga ari munhu wakacenjera, wakapfuʋura acidzidzisa ʋanhu ziʋo; wakaraŋgarira, nokunɀera, nokuroŋgedza ɀireʋo ɀizhinji.

10Muparidzi wakatȿaka kuti awane mashoko anofadza, ʋuye ɀakanyorwa nomŋoyo wakarurama, ari mashoko eɀokwaɗi.

11Mashoko aʋakacenjera akafanana neɀiɓayiso; sembambo dzakaroʋerwa kwaɀo, ndiɀo ɀakaita mashoko akaʋuŋganidzwa, akapiwa noMufudzi mumŋe cete.

12Ʋuye ɀe, mŋanakomana waŋgu, unyeʋerwe; kuita buku zhinji hakuperi, ʋuye kudzidza kuzhinji kunonetsa muʋiri.

13Ɀino shoko guru paɀose ɀatanzwa, heri: Itya Mŋari, uceŋgete mirairo yake; nokuti ndiɀo ɀakafanira ʋanhu ʋose.

14Nokuti Mŋari ucatoŋga ɓasa rimŋe nerimŋe, pamŋe cete neɀose ɀakaʋanzika, kunyaŋge ɀakanaka, kunyaŋge ɀakaipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help