Mapisarema 57 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rugare rwomŋoyo pakati penjodzi.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weAritasheti. Pisarema raDavidi, rwiyo rweMiktami; paŋguʋa yaakatiza Sauro paɓako.

1Ndinzwirei tsitsi, Mŋari, ndinzwirei tsitsi;

Nokuti mŋeya waŋgu unotizira kwamuri;

Ɀirokwaɀo, ndicatizira kumumvuri wamapapiro enyu,

Kuȿikira njodzi dzapfuʋura.

2Ndicaɗanidzira kunaMŋari Wokumsoro‐soro;

KunaMŋari unondiitira ɀose.

3Ucatuma muɓatsiri ari kuɗeŋga, andiponese,

Kana iye, unoʋaʋarira kundimedza, acindishoʋora;

Mŋari ucatuma tsitsi dzake neɀokwaɗi yake.

4Mŋeya waŋgu uri pakati peshumba;

Ndinoʋata pasi pakati paʋanopfuta somŋoto,

Iʋo ʋanakomana ʋaʋanhu, ʋanameno aneŋge mapfumo nemiseʋe,

Ʋuye rurimi rwaʋo munondo unopinza.

5Imi mukudzwe Mŋari, pamsoro pokuɗeŋga‐ɗeŋga;

Kurumbidzwa kwenyu ŋgakuʋe kumsoro kwapasi pose.

6Ʋakateyira tsoka dzaŋgu mumbure;

Mŋeya waŋgu wakakotamiswa;

Ʋakacera hunza pamberi paŋgu;

Ʋawira mukati mayo ʋamene.

7Mŋoyo waŋgu wakasimba, Mŋari, mŋoyo waŋgu wakasimba;

Ndicaimba, ɀirokwaɀo, ndicaimba nziyo dzokurumbidza.

8Muka iwe mŋoyo waŋgu, muka iwe muteŋgeranwa nembira;

Ini ndimene ndicamuka maŋgwanani.

9Ndicakuʋoŋgai, Ishe, pakati pendudzi dzaʋanhu;

Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati paʋahedeni.

10Nokuti ŋgoni dzenyu ihuru kuȿikira kuɗeŋga‐ɗeŋga,

Ɀokwaɗi yenyu inoȿikira kuɗeŋga rose.

11Imi mukudzwe Mŋari, kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga;

Kurumbidzwa kwenyu ŋgakuʋe kumsoro kwapasi pose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help