Mapisarema 69 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Munyeŋgetero waDavidi pakutambudzika kukuru.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weShoshanimi. Pisarema raDavidi.[ kukuʋanzirwai ]

1Ndiponesei, Mŋari,

Nokuti mvura zhinji yaȿikira pamŋeya waŋgu.

2Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pokumira;

Ndaȿika pamvura zhinji yakadzika, pandinofukidzwa nenzizi.

3Ndaneta nokucema kwaŋgu; huro dzaŋgu dzawoma;

Meso aŋgu anoʋaʋa nokurindira Mŋari waŋgu.

4Ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ʋazhinji kupfuʋura vudzi romusoro waŋgu;

Aʋo ʋanoɗa kundiparadza ʋanesimba, kunyaŋge ʋacindiʋeŋga ndisinemhoȿa;

Ndakafanira kudzosera ɀandineŋge ndisina‐kutora.

5Mŋari munoziʋa ʋupenzi bgaŋgu;

Mhoȿa dzaŋgu hadzina‐kukuʋanzirwai.

6Ishe Mŋari wehondo, ʋanokurindirai ŋgaʋarege kunyadziswa nokuɗa kwaŋgu;

Mŋari waIsraeri, ʋanokutȿakai ŋgaʋarege kuɀidzwa nokuɗa kwaŋgu.

7Nokuti ndakatenda kushoʋorwa nokuɗa kwenyu;

Kunyadza kwakafukidza ciso caŋgu.

8Ndakaʋa mutorwa kuhama dzaŋgu,

Nomubvakure kuʋana ʋamai ʋaŋgu.

9Nokuti kushiŋgairira imba yenyu kwakandipedza;

Nokushoʋora, kwaʋanokushoʋorai, kwakawira pamsoro paŋgu.

10Paŋguʋa yokucema kwaŋgu nokutambudza mŋeya waŋgu ndiciɀinyima,

Ndakashoʋorwa nokuɗa kwaɀo.

11Paŋguʋa yandakafuka magumbu ndikaaita ŋguʋo dzaŋgu,

Ndakaʋa shumo pakati paʋo.

12Ʋanogara pasuʋo ʋanondireʋa;

Ndiri ciimbo caʋakaɓatwa neɗoro.

13Asi kana ndiri’ni, munyeŋgetero waŋgu uri kwamuri, Ishe, paŋguʋa yakafanira;

Mŋari, netsitsi dzenyu zhinji

Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka.

14Ndirwirei munhope, ndirege kunyura;

Ndirwirwe kunaʋanondiʋeŋga, napamvura zhinji yakadzika.

15Ƃoporodzi remvura rirege kundikunda,

Mvura yakadzika irege kundimedza;

Gomba rirege kuzarira muromo waro pamsoro paŋgu.

16Ndipindurei, Jehova; nokuti ʋunyoro bgenyu bgakanaka;

Riŋgirai kwandiri nokuɗa kwetsitsi dzenyu zhinji.

17Regai kuʋanzira muranda wenyu ciso cenyu;

Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura.

18Sweɗerai kumŋeya waŋgu, muudzikinure;

Ndidzikinurei nokuɗa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.

19Munoziʋa kushoʋorwa kwaŋgu, nokunyadzwa kwaŋgu nokuɀidzwa kwaŋgu;

Ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋose ʋari mberi kwaŋgu.

20Kushoʋora kwakaputsa mŋoyo waŋgu; ndaremerwa kwaɀo;

Ndakatȿaka ʋaŋgandinzwira nyasha, asi kwakaŋga kusinomunhu;

Ndakatȿaka ʋaʋaraidzi, asi handina‐kuwana nomumŋe.

21Ʋakandipa nduru ɀiʋe ɀokudya ɀaŋgu;

Pakunzwa nyota kwaŋgu ʋakandinwisa vinega.

22Tafura yaʋo ŋgaiʋe musuŋgo pamberi paʋo;

Neriʋa, kana ʋakagarika haʋo.

23Meso aʋo ŋgaapofomadzwe, ʋarege kuʋona,

Ɀiʋuno ɀaʋo ŋgaɀirambe ɀiciguɗa-guɗa.

24Ƌururai kutsamŋa kwenyu pamsoro paʋo,

Hasha dzenyu dzinopfuta, ŋgadziʋaɓate.

25Ʋugaro bgaʋo ŋgaʋuparadzwe;

Ŋgakurege kuʋa nomunhu unogara pamatente aʋo.

26Nokuti ʋanotambudza uyo wamakaroʋa;

Ʋanotaura ɀokurwadziwa kwaʋamakakuʋadza.

27Wedzerai ɀakaipa paɀakaipa ɀaʋo;

Ŋgaʋarege kupinda pakururama kwenyu.

28Ŋgaʋadzimŋe parugwaro rwoʋupenyu,

Ʋarege kunyorwa pamŋe cete naʋakarurama.

29Asi ini ndiri murombo, ndinorwadziwa;

Kuponesa kwenyu, Mŋari, ŋgakundiise pakakwirira.

30Ndicarumbidza zita raMŋari norwiyo,

Ndicamukudza nokuʋoŋga.

31Iɀo ɀicafadza Jehova kupfuʋura nzombe,

Kana hando inenyaŋga namahwanda.

32Ʋanyoro ʋakaɀiʋona ʋakafara;

Imi munotȿaka Mŋari, mŋoyo yenyu ŋgairarame.

33Nokuti Jehova unonzwa ʋashaiwi,

Haashoʋori ʋasuŋgwa ʋake.

34Kuɗeŋga napasi ŋgaɀimurumbidze,

Makuŋgwa, neɀose ɀinopfakanyika’mo.

35Nokuti Mŋari ucaponesa Zioni, nokuʋaka maguta aJuda;

Ʋacagara’mo, iʋe nhaka yaʋo.

36Icaʋa nhaka yaʋana ʋaʋaranda ʋake;

Ʋanoɗa zita rake ʋacagara’mo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help