Zekaria 5 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ciratidzo cecitanhatu corugwaro rwakapetwa.

1Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ɀe, ndikatarira, ndikaʋona rugwaro rwakapetwa rucibururuka.

2Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ndikapindura, ndikati: Ndinoʋona rugwaro rwakapetwa runobururuka; kureɓa kwarwo makubiti anamakumi maʋiri, noʋupamhi bgarwo makubiti anegumi.

3Ipapo akati kwandiri: Ndiko kutuka kunoɓuɗira pamsoro penyika yose; nokuti mumŋe nomumŋe unoɓa ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi seɀaɀakanyorwa’mo; ʋuye mumŋe nomumŋe unopika ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi, seɀaɀakanyorwa’mo.

4Ndicaɓuɗisa kutuka ikoko — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — kupinde mumba mounoɓa nomumba mounopika nhema nezita raŋgu; kucagara pakati peimba yake, kuciipedza iyo pamŋe cete namatanda ayo namabge ayo.

Ciratidzo cecinomŋe, comukadzi wakaɓata efa.

5Ɀino mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni wakaɓuɗa, akati kwandiri: Cirinzira meso ako ɀino, uʋone cinoɓuɗa’po.

6Ini ndikati: Cinyiko? Iye akati: Ndiyo efa inoɓuɗa’po. Akati ɀe: Ndiɀo ɀaʋakaita panyika yose;

7(ɀino ndikaʋona tarenta romutobvu ricisimudzwa); ndikaʋona mukadzi agere mukati meefa.

8Akati: Uyu ndiye Ɀakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamsoro pomuromo wayo.

9Ipapo ndakarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona ʋakadzi ʋaʋiri ʋaciɓuɗa, mhepo iri mumapapiro aʋo; ɀino ʋakaŋga ʋanamapapiro akafanana namapapiro ezimudo; iʋo ʋakasimudza efa, ikaʋa pakati penyika neɗeŋga.

10Ipapo ndikati kumutumŋa wakaŋga acitaurirana neni: Ʋanondoisepiko efa?

11Iye akati kwandiri: Kundomuʋakira imba panyika yeShinari; kana yapera ucandoiswa’po panɀimbo yake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help