1Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ɀe, ndikatarira, ndikaʋona rugwaro rwakapetwa rucibururuka.
2Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ndikapindura, ndikati: Ndinoʋona rugwaro rwakapetwa runobururuka; kureɓa kwarwo makubiti anamakumi maʋiri, noʋupamhi bgarwo makubiti anegumi.
3Ipapo akati kwandiri: Ndiko kutuka kunoɓuɗira pamsoro penyika yose; nokuti mumŋe nomumŋe unoɓa ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi seɀaɀakanyorwa’mo; ʋuye mumŋe nomumŋe unopika ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi, seɀaɀakanyorwa’mo.
4Ndicaɓuɗisa kutuka ikoko — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — kupinde mumba mounoɓa nomumba mounopika nhema nezita raŋgu; kucagara pakati peimba yake, kuciipedza iyo pamŋe cete namatanda ayo namabge ayo.
Ciratidzo cecinomŋe, comukadzi wakaɓata efa.5Ɀino mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni wakaɓuɗa, akati kwandiri: Cirinzira meso ako ɀino, uʋone cinoɓuɗa’po.
6Ini ndikati: Cinyiko? Iye akati: Ndiyo efa inoɓuɗa’po. Akati ɀe: Ndiɀo ɀaʋakaita panyika yose;
7(ɀino ndikaʋona tarenta romutobvu ricisimudzwa); ndikaʋona mukadzi agere mukati meefa.
8Akati: Uyu ndiye Ɀakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamsoro pomuromo wayo.
9Ipapo ndakarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona ʋakadzi ʋaʋiri ʋaciɓuɗa, mhepo iri mumapapiro aʋo; ɀino ʋakaŋga ʋanamapapiro akafanana namapapiro ezimudo; iʋo ʋakasimudza efa, ikaʋa pakati penyika neɗeŋga.
10Ipapo ndikati kumutumŋa wakaŋga acitaurirana neni: Ʋanondoisepiko efa?
11Iye akati kwandiri: Kundomuʋakira imba panyika yeShinari; kana yapera ucandoiswa’po panɀimbo yake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.