II Madzimambo 10 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rudzi rwaAhabi naʋaprofita ʋaBaari ʋanoparadzwa.

1Ɀino Ahabi wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi manomŋe paSamaria. Jehu akanyora ŋwadi, akadzitumira Samaria kuʋaɓati ʋeJezreeri, iʋo ʋakuru, nokuʋareri ʋaʋana ʋaAhabi, akati:

2Ɀino kana ŋwadi iyi iciȿika kwamuri, ʋanakomana ʋatenzi waŋgu ɀaʋari’ko kwamuri, neŋgoro namabiza ɀiri’ko kwamuri, neguta rakakombga noruȿiŋgo, nenhumbi dzokurwa nadzo;

3ciɀitsaurirai mŋanakomana watenzi wenyu wakaiȿo‐naka wakakwana kukunda ʋamŋe, mumugadze pacigaro coʋushe caɓaɓa ʋake, murwire imba yatenzi wenyu.

4Asi iʋo ʋakaŋga ʋacitya kwaɀo, ʋakati: Madzimambo maʋiri akaŋga asiŋgagoni kumukunda, ɀino isu ticamukunda seiko?

5Ɀino mutariri weimba nomutariri weguta, naʋakuru, naʋareri ʋaʋana ʋakatuma shoko kunaJehu, ʋaciti: Tiri ʋaranda ʋenyu, ticaita ɀose ɀamunotiraira; hatiŋgagadzi mumŋe mambo; itai henyu seɀamunoɗa.

6Ipapo wakanyora ŋwadi rwecipiri kwaʋari, akati: Kana mukanzwana neni, kana mukaterera inzwi raŋgu, ʋuyai kwandiri Jezreeri maŋgwana neŋguʋa ino nemisoro yaʋarume, iʋo ʋanakomana ʋatenzi wenyu. Ɀino ʋanakomana ʋamambo, iʋo ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, ʋaiʋa kuʋakuru ʋeguta, ʋaiʋarera.

7Ɀino ŋwadi iyo yakati iciȿika kwaʋari, ʋakaɓata ʋanakomana ʋamambo, ʋakaʋaʋuraya, iʋo ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, ʋakaisa misoro yaʋo mumateŋgu, ndokuitumira kwaari Jezreeri.

8Nhume ikaȿika, ikamuʋudza, ikati: Ʋaʋuya nemisoro yaʋanakomana ʋamambo. Iye akati: Itai mirwi miʋiri nayo, muiise paʋanopinda napo pasuʋo, kuȿikira maŋgwana.

9Fume maŋgwana akaɓuɗa, akandomira’po, akati kuʋanhu ʋose: Imi hamunemhoȿa henyu; tarirai, ndini ndamukira tenzi waŋgu, ndikamuʋuraya; asi ndianiko waʋuraya aʋa ʋose?

10Ɀino muziʋe kuti hakuneshoko rimŋe raJehova ricawira pasi, rakataurwa naJehova pamsoro peimba yaAhabi; nokuti Jehova wakaita ɀaakataura nomuranda wake Eria.

11Naiɀoɀo Jehu akaʋuraya ʋose ʋakaŋga ʋasara ʋeimba yaAhabi paJezreeri, naʋanhu ʋake ʋakuru ʋose, neshamŋari dzake, naʋaprista ʋake, kuȿikira asina‐kumusiyira nomumŋe.

12Ɀino akasimuka, akabva, akaenda Samaria. Wakati aȿika paimba yaʋafudzi panzira, paʋaiʋeʋura makwai,

13Jehu akasoŋgana naʋanuŋuna ʋaAhazi mambo waJuda, akati: Ndimi aniko? Iʋo ʋakapindura, ʋakati: Tiri ʋanuŋuna ʋaAhazia, toɓuruka kundokwazisa ʋana ʋamambo naʋana ʋaʋahosi.

14Iye akati: Ʋaɓatei ʋari ʋapenyu. Ʋakaʋaɓata ʋari ʋapenyu, ʋakaʋaʋuraya padziʋa reimba paʋaiʋeʋura makwai, ʋarume ʋaiʋa ʋanamakumi manna naʋaʋiri; haana‐kusiya mumŋe waʋo.

15Ɀino wakati abva’po, akasoŋgana naJehonadabi mŋanakomana waRehabi, waŋga aciʋuya kuzosoŋgana naye; akamukwazisa, akati kwaari: Mŋoyo wako wakarurama here, sokururama kwomŋoyo waŋgu kwauri? Jehonadabi akapindura, akati: Wakarurama hawo. Kana ɀakaɗaro, ndiɓate ruʋoko rwaŋgu. Iye akaɓata ruʋoko rwake, ndokumukwidza muŋgoro maakaŋga ari.

16Akati: Hendei, undoʋona kushiŋgaira kwandinoshiŋgairira Jehova nako. Naiɀoɀo ʋakamufambisa muŋgoro yake.

17Wakati aȿika Samaria, akaʋuraya ʋose ʋakaŋga ʋasara ʋaAhabi muSamaria, kuȿikira amuparadza, seshoko raJehova rakaŋga rarebga naEria.

18Ipapo Jehu akaʋuŋganidza ʋanhu ʋose, akati kwaʋari: Ahabi wakashumira Baari ɀishoma, asi Jehu ucamushumira kwaɀo.

19Naiɀoɀo ɀino ciɗanai ʋaprofita ʋose ʋaBaari, naʋose ʋanonamata kwaari, naʋaprista ʋake ʋose, ʋaʋuye kwandiri; ŋgakurege kushaikwa kunyaŋge nomumŋe; nokuti ndinoɗa kuɓayira Baari ciɓayiro cikuru; aninani unoshaikwa haaŋgararami. Asi Jehu wakaita iɀoɀo namano, aciɗa kuʋuraya ʋanamati ʋaBaari.

20Ɀino Jehu akati: Tsaurirai Baari zuʋa romutambo mukuru. Ʋakaparidza iɀoɀo.

21Ɀino Jehu akatuma nhume pakati paIsraeri pose, ʋose ʋanamati ʋaBaari ʋakaʋuya; hakunomunhu wakasara, akasaʋuya. Ʋakapinda mumba maBaari, imba yaBaari ikazara, kuȿika kumadziro nokumadziro.

22Akati kumutariri weŋguʋo: Ʋigira ʋanamati ʋaBaari ʋose ŋguʋo. Iye akaʋaʋigira ŋguʋo.

23Ipapo Jehu akapinda mumba maBaari, anaJehonadabi mŋanakomana waRekabi, akati kuʋanamati ʋaBaari: Tȿakai, mutarire kwaɀo kuti pano pakati penyu parege kuʋa nomuranda mumŋe waJehova, asi ʋanamati ʋaBaari ɓedzi.

24Ʋakapinda kundoɓayira ɀiɓayiro neɀipiriso ɀinopiswa. Ɀino Jehu wakaŋga araira ʋarume ʋanamakumi masere panze, aciti: Kana mumŋe waʋarume ʋandinoisa pamaʋoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, ucamufira.

25Ɀino wakati apedza kuɓayira cipiriso cinopiswa, Jehu akati kuʋarindi nokuʋakuru: Pindai, muʋaʋuraye; musatendera mumŋe kuɓuɗa. Iʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ʋarindi naʋakuru ʋakaʋarashira kunze, ʋakaenda kuguta reimba yaBaari.

26Ipapo ʋakaɓuɗisa mbiru dzaiʋa mumba maBaari, ʋakadzipisa.

27Ʋakaputsa ʋo mbiru yaBaari, ʋakaputsa ʋo imba yaBaari, ʋakaiita imba yecishaŋgo kuȿikira nhasi.

28Naiɀoɀo Jehu wakaparadza Baari pakati paIsraeri.

29Asi Jehu haana‐kurega kuteʋera ɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo, ɀemhuru dzendarama dzaiʋa paBeti‐eri, nedzaiʋa paDani.

30Ɀino Jehova akati kunaJehu: Ɀawakaita ɀakanaka ukaita ɀakarurama pamberi paŋgu, ukaitira imba yaAhabi ɀose ɀakaŋga ɀiri mumŋoyo maŋgu, ɀino ʋana ʋako ʋorudzi rwecinna ʋacagara pacigaro coʋushe bgaIsraeri.

31Asi Jehu haana‐kuraŋgarira kufamba nomŋoyo wose nomurairo waJehova Mŋari waIsraeri; haana‐kurega ɀiʋi ɀaJeroboami ɀaakatadzisa Israeri naɀo.

32Pamazuʋa iwayo Jehova wakataŋga kutapudza Israeri; Hazaeri akaʋakunda panyika yose yaIsraeri;

33kubva kunaJoridani ɀicienda mabva‐zuʋa, nenyika yose yaGireadi, neyaʋaGadi, neyaʋaRubeni, neyaʋaManase, kubva paAroeri pamupata weArnoni, ndiro Gireadi neBashani.

34Ɀino mamŋe maɓasa aJehu, neɀose ɀaakaita, nesimba rake rose, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?

35Jehu akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga paSamaria, Jehoahazi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

36Ŋguʋa yakaɓata Jehu ʋushe bgaIsraeri paSamaria aiʋa makore anamakumi maʋiri namasere.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help