I ƲaTesaronika 4 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Unoʋaraira kuti ʋaʋe ʋatȿene, ʋaɗane, ʋashiŋgaire paɓasa.

1Naiɀoɀo pakupedzisira, hama dzaŋgu, tinokumbira kwamuri, nokukurairai munaShe Jesu, kuti, seɀamakadzidza kwatiri mutoʋo wamunofanira kufamba nokufadza Mŋari nawo, seɀamunofamba ʋo, kuti muwanze nokuwanzisisa panaiɀoɀo.

2Nokuti munoziʋa mirairo yatakakupai naShe Jesu.

3Nokuti kuɗa kwaMŋari ndibgo ʋutȿene bgenyu, murege ʋupombge;

4kuti mumŋe nomumŋe wenyu aziʋe kuɀiwanira mudziyo wake noʋutȿene nokukudzwa,

5asiŋgaiti nokukara kwokuciʋa, saʋahedeni, ʋasiŋgaziʋi Mŋari;

6munhu ŋgaarege kuitira hama yake ɀakaipa kana kumunyeŋgera pacinhu ici, nokuti Ishe ndiye mutsiʋi weɀinhu iɀoɀo ɀose, seɀatakakuʋudzai ʋo nokukupupurirai kwaɀo.

7Nokuti Mŋari haana‐kutiɗanira tȿina, asi muʋutȿene.

8Naiɀoɀo unoramba iɀoɀo, haarambi munhu, asi Mŋari, unokupai Mŋeya wake, iwo Mutȿene.

9Ɀino, kana ruri ruɗo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMŋari kuti muɗane;

10nokuti ndiɀo ɀamunoitira hama dzose dzeMakedonia yose, asi tinokurairai, hama dzaŋgu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaiɀoɀi;

11shiŋgairirai kuʋa norugare, mumŋe nomumŋe aɓate ɀake, muciɓate‐ɓasa namaʋoko enyu, seɀatakakurairai;

12kuti mufambe nomutoʋo wakafanira kunaʋari kunze, musiŋgashaiwi cinhu.

Kumuka kwaʋakafa nokudzoka kwaKristu.

13Ɀino, hama dzaŋgu, hatiɗi kuti mushaiwe kuziʋa pamsoro paʋaʋete, kuti murege kucema saʋamŋe ʋasinetariro.

14Nokuti kana ticitenda kuti Jesu wakafa, akamuka ɀe, saiɀoɀo ʋo aʋo ʋakaʋata munaJesu, Mŋari ucaʋaʋuyisa pamŋe cete naye.

15Nokuti tinokuʋudzai neshoko raShe, kuti isu ʋapenyu, ʋakasara kuȿikira pakuʋuya kwaShe, hatiŋgatoŋgotaŋgiri ʋakaʋata.

16Nokuti Ishe amene ucaɓuruka kuɗeŋga nokuɗanidzira, nenzwi romutumŋa mukuru, nehwamanda yaMŋari; ʋakafa munaKristu ʋacataŋga kumuka;

17ɀino isu ʋapenyu, ʋakasara, ticatorwa pamŋe cete naʋo mumakore, kuti ticiŋgamidze Ishe muɗeŋga; naiɀoɀo ticaʋa naShe ŋguʋa dzose.

18Naiɀoɀo nyaradzanai namashoko awa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help