Mapisarema 70 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unokumbira kuti Jehova amurwire.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi; rwiyo rwokuyeʋudzira.

1 Kurumidzai, Mŋari, kundirwira;

Kurumidzai kundiɓatsira, Jehova.

2Ŋgaʋanyadziswe, ŋgaʋaɀidzwe

Iʋo ʋanotȿaka mŋeya waŋgu;

Ŋgaʋadzoserwe shure, ʋashoʋorwe

Iʋo ʋanofarira kundikuʋadza.

3Ŋgaʋadzoserwe shure nokuɗa kwenyadzi dzaʋo

Iʋo ʋanoti: Hekani, hekani! waro!

4Ʋose ʋanokutȿakai ŋgaʋafarise ʋaʋe nomufaro mamuri;

Ʋanoɗa kuponesa kwenyu ŋgaʋarambe ʋaciti:

Mŋari ŋgaakudzwe!

5Asi ini ndiri murombo nomushaiwi;

Kurumidzai muʋuye kwandiri, Mŋari;

Imi muri muɓatsiri waŋgu nomurwiri waŋgu;

Regai kunonoka, Jehova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help