1Manase wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anegumi namaʋiri; akaɓata ʋushe makore anamakumi mashanu namashanu paJerusarema; zita ramai ʋake raiʋa Hefziba.
2Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akateʋera ɀinonyaŋgadza ɀaʋahedeni ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
3Nokuti wakaʋaka ɀe matunhu akakwirira, akaŋga aparadzwa naɓaɓa ʋake Hezekia; akamutsira Baari artari, akaisa’po ɗanda rokunamata naro, seɀakaita Ahabi mambo waIsraeri; akanamata hondo dzose dzokuɗeŋga, akadzishumira.
4Akaʋaka artari mumba maJehova, kunyaŋge Jehova wakaŋga ati: PaJerusarema ndi’po pandicaisa zita raŋgu.
5Akaʋakira hondo dzose dzokuɗeŋga artari muʋazhe mbiri dzeimba yaJehova.
6Akapinza mŋanakomana wake mumŋoto, akatenda mashura, akaita mazaŋgo, akagadza maȿikiro naʋaʋuki; akaita ɀakaipa ɀizhinji pamberi paJehova, ndokumutsamŋisa naɀo.
7Akaisa mufananidzo weɗanda rokunamata naro raakaʋeza mumba makanzi naJehova kunaDavidi nokunaSoromoni mŋanakomana wake: Ndicaisa zita raŋgu nokusiŋgaperi paimba ino napaJerusarema, randakaɀitsaurira pakati pamarudzi ose aIsraeri.
8Handicazofamba‐fambisi tsoka dzaʋaIsraeri kunze kwenyika yandakapa madziɓaɓa aʋo; kana ʋacicenjera ɓedzi kuita ɀandakaʋaraira, nomurairo wose waʋakarairwa naMosesi muranda waŋgu.
9Asi haʋana‐kuterera; Manase akaʋatsausa ʋakaita ɀakaipa kupfuʋura ɀakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
10Jehova akataura naʋo naʋaprofita ʋaranda ʋake, akati:
11Manase mambo waJuda ɀaakaita ɀinonyaŋgadza iɀi, akaita ɀakaipa kupfuʋura ɀose ɀakaitwa naʋaAmori ʋakamutaŋgira, akatadzisa ʋo Juda neɀifananidzo ɀake.
12Naiɀoɀo ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicaʋuyisira Jerusarema naJuda ɀakaipa ɀikaɗai, kuti ʋose ʋanoɀinzwa nzeʋe dzaʋo dzicawuŋga.
13Ndicayera Jerusarema norwonzi rwandakayera Samaria narwo, ʋuye norwonzi rwandakaruramisa imba yaAhabi narwo; ndicapisika Jerusarema somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.
14Ndicarasha ʋakasara ʋenhaka yaŋgu, ndiʋaise mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo; ʋacapedzwa nokuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose;
15nokuti ʋakaita ɀakaipa pamberi paŋgu, ʋakanditsamŋisa, kubva pazuʋa rokuɓuɗa kwamadziɓaɓa aʋo paEgipita kuȿikira zuʋa ranhasi.
16Manase akateʋura ʋo ropa rakawanda risinemhoȿa, kuȿikira azadza Jerusarema kubva kurutiʋi rumŋe kuȿikira kunorumŋe rutiʋi; ɀiʋi ɀake ɀaakatadzisa Juda naɀo, aciita ɀakaipa pamberi paJehova, ɀisiŋgaʋereŋgwi.
17Ɀino mamŋe maɓasa aManase, neɀose ɀaakaita, neɀiʋi ɀake ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
18Manase akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Amoni mambo waJuda.19Amoni wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namaʋiri, akaɓata ʋushe paJerusarema makore maʋiri; zita ramai ʋake rakaŋga riri Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotiba.
20Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaita Manase ɓaɓa ʋake.
21Akafamba nenzira yose yakafambga naɓaɓa ʋake, akashumira ɀifananidzo ɀakashumirwa naɓaɓa ʋake, akaɀinamata;
22akasiya Jehova Mŋari wamadziɓaɓa ake, akasafamba nenzira yaJehova.
23Ɀino ʋaranda ʋaAmoni ʋakamuraŋgana ʋakamumukira, ʋakaʋuraya mambo mumba make.
24Asi ʋanhu ʋenyika iyo ʋakazoʋuraya ʋose ʋakaraŋgana ʋakamukira mambo Amoni; ʋanhu ʋenyika iyo ʋakaita mŋanakomana wake Josia mambo panɀimbo yake.
25Ɀino mamŋe maɓasa aAmoni aakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
26Akaʋigwa mubgiro bgake mumunda waUza; Josia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.