Ezekieri 20 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

ƲaIsraeri, ʋakamukira Jehova, ʋacarobga, asi ʋacazodzoswa ɀe.

1Ɀino negore recinomŋe, nomŋedzi wecishanu, nezuʋa regumi romŋedzi, ʋamŋe ʋakuru ʋaIsraeri ʋakaʋuya kuzobvunza Jehova, ʋakagara pasi pamberi paŋgu.

2Shoko raJehova rikaȿika kwandiri, riciti:

3Mŋanakomana womunhu, taura naʋakuru ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Maʋuya kuzondibvunza ini here? Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handiɗi kubvunzwa nemi.

4Ciʋatoŋga, mŋanakomana womunhu, ciʋatoŋga! Ciʋaziʋisa ɀinonyaŋgadza ɀamadziɓaɓa aʋo;

5uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Nezuʋa randakasanaŋgura Israeri, ndikasimudzira ʋana ʋeimba yaJakobo ruʋoko rwaŋgu, nokuɀiziʋisa kwaʋari munyika yeEgipita, musi wandakaʋasimudzira ruʋoko rwaŋgu, ndiciti: Ndini Jehova Mŋari wenyu;

6nezuʋa iro ndakaʋasimudzira ruʋoko rwaŋgu, kuti ndicaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita ndiʋaise kunyika yandakaʋatȿakira, kunoyerera mukaka noʋuci, iyo yaiʋa ʋukomba bgenyika dzose.

7Ndikati kwaʋari: Rashai, mumŋe nomumŋe, ɀinonyaŋgadza ɀameso ake, murege kuɀiȿiɓisa neɀifananidzo ɀeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu.

8Asi ʋakandimukira simba, ʋakaramba kunditerera; haʋana‐kurasha, mumŋe nomumŋe waʋo, ɀinonyaŋgadza ɀameso aʋo, haʋana‐kusiya ɀifananidzo ɀeEgipita. Ipapo ndakati ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro paʋo, kuti ndipedze kutsamŋa kwaŋgu pamsoro paʋo pakati penyika yeEgipita.

9Asi ndakaɀiita nokuɗa kwezita raŋgu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi aʋanhu, maʋakaŋga ʋagere, ʋandakaɀiziʋisa kwaʋari pamberi paʋo, ndiciʋaɓuɗisa munyika yeEgipita.

10Naiɀoɀo ndakaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ndikaʋaisa kurenje.

11Ndikaʋapa mitemo yaŋgu, nokuʋaratidza ɀandakaraira, ɀinoti kana munhu aciɀiita ararame naɀo.

12Ndakaʋapa ʋo masaɓata aŋgu, ciʋe ciratidzo pakati paŋgu naʋo, kuti ʋaziʋe kuti ndini Jehova, unoʋaita ʋatȿene.

13Asi imba yaIsraeri yakandimukira simba murenje; haʋana‐kufamba nemitemo yaŋgu, ʋakaramba ɀandakaraira, ɀinoti kana munhu aciɀiceŋgeta, ucararama naɀo; ʋakamhura ɀikuru masaɓata aŋgu. Ipapo ndakati ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro paʋo murenje, kuti ndiʋapedze.

14Asi ndakaɀiita nokuɗa kwezita raŋgu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi andakaʋaɓuɗisa pamberi pawo.

15Ndakaʋasimudzira ʋo ruʋoko rwaŋgu parenje, kuti handiŋgaʋaisi kunyika yandakaŋga ndaʋapa, kunoyerera mukaka noʋuci, iyo yaiʋa ʋukomba bgenyika dzose;

16nokuti ʋakaramba ɀandakaraira, ʋakasafamba nemitemo yaŋgu, ʋakamhura masaɓata aŋgu; nokuti mŋoyo yaʋo yakateʋera ɀifananidzo ɀaʋo.

17Kunyaŋge ɀakaɗaro ziso raŋgu rakaʋapembedza, ndikasaʋaparadza, kana kuʋapedza cose parenje.

18Ndikati kuʋana ʋaʋo murenje: Regai kufamba nemitemo yamadziɓaɓa enyu, kana kuceŋgeta ɀaʋakaraira, kana kuɀiȿiɓisa neɀifananidzo ɀenyu.

19Ndini Jehova Mŋari wenyu; fambai nemitemo yaŋgu, muceŋgete ɀandakaraira, muɀiite;

20masaɓata aŋgu ŋgaaʋe matȿene kwamuri; ɀigoʋa ciratidzo pakati paŋgu nemi, kuti muziʋe kuti ndini Jehova Mŋari wenyu.

21Asi ʋana ʋakandimukira simba, haʋana‐kufamba nemitemo yaŋgu, kana kuceŋgeta ɀandakaraira kuti ʋaɀiite, ɀinoti kana munhu akaɀiita, ucararama naɀo; ʋakamhura masaɓata aŋgu. Ipapo ndakati ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro paʋo, kuti ndipedze kutsamŋa kwaŋgu pamsoro paʋo parenje.

22Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakadzosa ruʋoko rwaŋgu, ndikaita nokuɗa kwezita raŋgu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi, andakaʋaɓuɗisa pamberi pawo.

23Ndakaʋasimudzira ʋo ruʋoko rwaŋgu parenje, kuti ndicaʋaparadzira pakati pamarudzi nokuʋadziŋgira kunyika dzose;

24nokuti haʋana‐kuita ɀandakaraira, asi ʋakaramba mitemo yaŋgu, nokumhura masaɓata aŋgu, meso aʋo akatarira ɀifananidzo ɀamadziɓaɓa aʋo.

25Ndakaʋapa ʋo mitemo yakaŋga isino‐kunaka, neɀakarairwa ɀaʋakaŋga ʋasiŋgagoni kurarama naɀo;

26ndikaʋaȿiɓisa neɀipo ɀaʋo, ɀaʋakapinza mumŋoto ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, kuti ndiʋaparadze, ʋagoziʋa kuti ndini Jehova.

27Naiɀoɀo mŋanakomana womunhu, taura neimba yaIsraeri, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Madziɓaɓa enyu akandimhura ʋo pacinhu ici, kuti ʋakandiɗarikira.

28Nokuti ndakati ndaʋaisa kunyika, yandakaʋasimudzira ruʋoko kuti ndicaʋapa iyo, ʋakatȿaka ɀikomo ɀose ɀirefu nemiti yose mikobvu, ʋakaɓayira’po ɀiɓayiro ɀaʋo, ʋakaʋuya’po neɀipo ɀaʋo ɀainditsamŋisa; ndi’po ʋo paʋakaita bgema bgaʋo ʋunonhuwira, ʋakaɗururira’po ɀipiriso ɀaʋo ɀinoɗururwa.

29Ipapo ndikati kwaʋari: Ko nɀimbo yakakwirira kwamunoenda, inoti kuɗiniko? Naiɀoɀo zita rayo rinonzi Bama kuȿikira zuʋa ranhasi.

30Naiɀoɀo citi kuimba yaIsraeri: Ɀanzi naShe Jehova: Ko munoɀiȿiɓisa seɀakaita madziɓaɓa enyu here? Munopata muciteʋera ɀinonyaŋgadza ɀaʋo here?

31Kana muciʋuya neɀipo ɀenyu, kana mucipinza ʋanakomana ʋenyu mumŋoto, munoɀiȿiɓisa neɀifananidzo ɀenyu kuȿikira zuʋa ranhasi here? Ɀino ndiŋgabvunzwa nemi here, imi imba yaIsraeri? Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, handiɗi kubvunzwa nemi;

32iɀo ɀinopinda mumiraŋgariro yenyu haɀiŋgatoŋgoitiki cose, ɀamunoti: Tinoɗa kufanana namamŋe marudzi, naʋanhu ʋedzimŋe nyika, ʋanoshumira matanda namabge.

33Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ɀirokwaɀo ndicaʋa mambo wenyu necanza cinesimba noruʋoko rwakatambanudzwa, ʋuye nehasha dzakaɗururwa.

34Ndicakuɓuɗisai pakati pamarudzi, nokukuʋuŋganidzai kunyika kwamakaŋga makaparadzirwa, necanza cinesimba noruʋoko rwakatambanudzwa, ʋuye nehasha dzakaɗururwa;

35ndicakuisa kurenje ramarudzi aʋanhu, ndigokutoŋgai’po, ticiʋonana nameso.

36Seɀandakatoŋga madziɓaɓa enyu murenje renyika yeEgipita, saiɀoɀo ndicakutoŋgai imi — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

37Ndicakuʋereŋgai netȿimbo yomufudzi, nokukuisai mucisuŋgo cesuŋgano;

38ndicabvisa pakati penyu ʋakandimukira simba naʋakandiɗarikira, ndicaʋaɓuɗisa panyika paʋagere ʋari ʋatorwa, asi haʋaŋgapindi munyika yaIsraeri; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.

39Kana muri’mi, imba yaIsraeri, — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — endai imi mundoshumira mumŋe nomumŋe ɀifananidzo ɀake, asi pashure mucanditerera; hamucazomhuri zita raŋgu dɀene neɀipo ɀenyu ʋuye neɀifananidzo ɀenyu.

40Nokuti pagomo raŋgu dɀene, pagomo rakakwirira raIsraeri, ndi’po pandicashumirwa munyika neimba yose yaIsraeri, iʋo ʋose; ndi’po pandicaʋagamucira, ndi’po pandicareʋa ɀiɓayiro ɀenyu, neɀitȿa ɀeɀipo ɀenyu, pamŋe cete neɀinhu ɀenyu ɀose ɀitȿene.

41Ndicakugamucirai sobgema ʋunonhuwira, paŋguʋa yandinokuɓuɗisai pakati pamarudzi aʋanhu, ndicikuʋuŋganidzai panyika kwamakaŋga makaparadzirwa; ndicaɀiratidza kwamuri ndiri Mutȿene pamberi pamarudzi aʋanhu.

42Ipapo mucaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndicikuisai munyika yaIsraeri, kunyika yandakasimudzira madziɓaɓa enyu ruʋoko rwaŋgu ndiciti ndicaʋapa iyo.

43Ɀino mucaraŋgarira’po nzira dzenyu, neɀose ɀamakaita, ɀamakaɀiȿiɓisa naɀo; mucaɀisema mumene pamsoro peɀakaipa ɀenyu ɀose ɀamakaita.

44Ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndicikuitirai iɀoɀo nokuɗa kwezita raŋgu, ndisiŋgaiti ɀakafanira nzira dzenyu dzakaipa kana ɀakafanira ɀakaʋora ɀamakaita, imi imba yaIsraeri — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

Mufananidzo weɗondo rinotȿa.

45Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:

46Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kurutiʋi rwezasi, uɗonhedze shoko rako kurutiʋi rwezasi, uprofite pamsoro peɗondo romusaŋgo kurutiʋi rwezasi;

47uti kuɗondo kurutiʋi rwezasi: Inzwa shoko raJehova: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndicaɓatidza mŋoto mukati mako, ucapedza muti mumŋe nomumŋe mutema mukati mako, nomuti mumŋe nomumŋe wakawoma; muraɀo unopfuta hauŋgadzimŋi, asi ɀiso ɀose kubva kurutiʋi rwezasi kuȿikira kurutiʋi rwokumsoro ɀicapiswa nawo.

48Nyama yose icaziʋa kuti ini Jehova ndini ndakauɓatidza; hauŋgadzimŋi.

49Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Jehova! Ʋanoti pamsoro paŋgu: Ko haazi mutauri wemifananidzo here?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help